Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowedzera Mutemo Unorambidza Vanhu Kufambafamba muKwekwe Nekuda kweCovid-19


Hurumende inowedzera nemasvondo maviri mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu Kwekwe
Hurumende inowedzera nemasvondo maviri mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu Kwekwe

Dare remakurukota rinonzi rawedzera nemamwe masvondo maviri mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu kana kuti Lockdown muKwekwe zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine hutachina hweCovid-19 muguta iri.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vazivisa nezvedanho iri mushure memusangano wemakurukota waitwa muHarare masikati.

Zvinonziwo vamwe vanhu vaviri muguta iri vakawanikwa zvakare vaine hutachiwana hunokonzera Covid-19 hwe B.1.617, uhwo hwakatanga kuonekwa kuIndia uye hunonzi hunopararira nyore kudarika humwe hutachiwana hwose.

Nekuda kwemutemo uyu, vanhu havabvumidzwi kufambafamba kubva nguva dzenomwe manheru kusvika nenguva dzenhanhatu mangwanani ezuva rinotevera, kana kuti kubva na 7pm kusvika na 6 am.

Mabhizimusi anenge achisungirwawo kuvhura nenguva dzesere mangwanani achivhara nenguva dzeshanu dzemadeuka zuva.

Hurumende yakambenge yadzika mutemo uyu kwemasvondo maviri kubva musi wa 21 Chivabvu kusvika musi wa 03 mwedzi uno.

Kwekwe yakaita vanhu vakawanda vakabatawa nechirwere cheCovid-19 mumazuva adarika.

Mumwe mugari wemuKwekwe, vari murwiri wekodzero dzevanhu, VaTendai Reuben Mbofana, vanoti danho ratorwa nehurumende iri idanho rakanaka chose pakuritaura asi pakuita harina zviriri kubatsira nekuti hapana chiri kumboshanduka muKwekwe.

VaMbofana vanoti vanhu vari kungoregererwa vachipinda nekubuda muKwekwe sezvo guta iri riri mumugwagwa mukuru weHarare Bulawayo, uyewo vanhu vose vari kupinda nekubuda muguta iri hapana ari kumbovhenekwa kuona kana aine Covid-19.

Vanoti kuti mutemo uyu ushande, hurumende inofanirwa kuita sezvakaitika muguta reWuhan kuChina, zvekuvhara guta rose kwete kuti vanhu vanosiiwa vachiita zvinhu zvavo semazuva ose moti mune lockdown.

Hurukuro naVaTendai Reuben Mbofana
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti vanhu vashanu vakafa neCovid-19 Muvhuro wakare uye vamwe makumi mana nevapfumbamwe kana kuti (49) vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Pavanhu vakashaya, vatatu vari mudunhu reBulawayo, mumwechete kuManicaland uye mumwe kuMatabeleland North.

Izvi zvakasvitsa huwandi hwevanhu vafa kubva zvatanga chirwere ichi pachiuru nemazana matanhatu ane gumi nemumwe, kana kuti 1 611.

Pavanhu vakawanikwa vaine Covid-19, vose makumi mana nevapfumbamwe vanhu vagara vari munyika vasina nhoroondo yekubuda kunze kwenyika.

Izvi zvakasiyawo huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika yose hwave pazviuru makumi matatu nezvipfumbamwe nemazana maviri nemakumi matatu nevasere, kana kuti 39 238.

Bazi rezvehutano rakatiwo vanhu chiuru chimwe nemazana matatu ane makumi manomwe nevashanu kana kuti 1 373, vakabaiwa nhomba yekutanga neMuvhuro, kuchitiwo vamwe zviuru zvina zviine mazana mana nemakumi matatu nevapfumbamwe, kana kuti 4 439 vachibaiwawo nhomba yepiri.

Izvi zvinonzi zvakasiya huwandu hwevanhiu vabaiwa nhomba yekutanga nyika yose hwasvika pazviuru mazana matanhatu nemakumi masere vezvisere nemazana matanhatu ane makumi mapfumbamwe nevatanhatu, kana kuti 688 696.

Vanhu vabaiwawo nhomba yepiri nyika yose vave zviuru mazana matatu nemakumi masere nezvishanu nemazana maviri ane makumi manomwe nevashanu, kana kuti 385 275.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu vanosvika mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG