Bazi rezvehutano rakazivisa neChina kuti vanhu gumi nevaviri vakafa neCovid-19, uye vamwe zviuru zvina nemazana maviri ane makumi mana nevanomwe, kana kuti 4 247 vakawanikwa vaine denda iri.
Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 kubva zvatanga denda iri munyka vave zviuru zvina nemazana manomwe ane makumi manomwe nemumwe, kana kuti 4 771.
Huwandu hwevanhu vabatwa nedenda iri kubva zvaratanga munyika hwakasvikawo pazviuru zana nemakumi masere nezvitanhatu zvine mazana matatu nevana, kana kuti 186 304.
Bazi rehutano rakazivisawo nezuro kuti huwandu hwevanhu vakanga vabaiwa nhomba yekutanga hwakanga hwasvika pamamiriyoni mana nezviuru makumi maviri nezvitatu negumi nevatatu, kana kuti 4 023 013.
Huwandu hwevanhu vakanga vabaiwa nhomba yepiri sezvinokurudzirwa hwakasvikawo pamamiriyoni matatu nezviuru makumi matatu nezvishanu zvine zana nemakumi mapfumbamwe nevaviri, kana kuti 3 035 192.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekunge yabaya vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana nhomba yekudzvirira Covid-19 panopera gore rino.
Nemusi weChitatu vanhu gumi nevana vakafa zvakare neCovid-19, izvo zvaita kuti nyanzvi mune zvehutano dziyeuchidze veruzhinji kluti denda iri radzoka rakasimba zvakare kana kuti 4th Wave.
Mukuru wesangano rinorwira hutano hwakanaka munharaunda, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vave kufa pamwe nekubatwa nedenda reCovid-19 uku mucherechedzo wekuti denda iri rakomba zvakare.
VaRusike vanoti nekuda kwekukwira kwehuwandu uku, veruzhinji vanofanirwa kubuda mupfungwa dziya dzekuswera vachitarisa mhando dzehutachiwana sezvo hondo huru yavepo pari zvino yave yekurwisana nedenda reCovid-19.
Facebook Forum