WASHINGTON D.C. —
Masangano matatu akazvimirira ega eHuman Rights Watch, Zimbabwe Human Rights NGO Forum, neMedia Center anoti haasi kufara nemamiriro akaita zvinhu pamitemo mitsva ine chekuita nekushandisa kwemadandemutande, kana kuti internet.
Masangano aya anoti hurumende iri kutyora kodzero dzevanhu nekuvarambidza kutaura zvavanoda uye iri kushungurudza vatori venhau.
Mukuru wesangano re Zimbabwe Human Rights NGO Forum, Muzvare Blessing Gorejena, vanoti chinonetsa ndechokuti hurumende haibudisi zvinhu pachena nokudaro mitemo yayo haishandiswi zvakafanana pavanhu vese sezvavanoona pamutemo wePOSA.
Facebook Forum