Accessibility links

Breaking News

Econet Group Yobatsira Vakarasikirwa neMabhizimusi Avo muCyclone Idai kuManicaland


Vamwe vevakarasikirwa nemidziyo yavo kuChimanimani. Econet Group inopti iri kubatsira kumutsiridza mabhizimusi, uye kuvaka dzimba itsva dzakasimba.
Vamwe vevakarasikirwa nemidziyo yavo kuChimanimani. Econet Group inopti iri kubatsira kumutsiridza mabhizimusi, uye kuvaka dzimba itsva dzakasimba.

Makambani ari pasi pekambani huru yenharembozha yeEconet Group anoti Eco-Cash neSteward Bank, atanga hurongwa kwekubatsira vamwe vakarasikirwa nemabhizimusi avo munguva yedutumupengo Cyclone Idai kumatunhu eChimanimani neChipinge kuManicaland kuburikidza nekuvapa mari dzekuti vakwanise kubatsirika kumutsiridza mabhizimusi avo.

Mushandi mukuru weEconet Group, VaLovemore Nyatsine, vanoti izvi ndizvo zvimwe zvezvakawanda zviri kuitwa nekambani yavo mudunhu iri.

Vanoti zvimwe zvavari kuronga kuzoita munguva pfupi inotevera kuvakira vagari vakarasikirwa nemisha yavo dzimwe dzimba dzakasimba, dzisingazoparadzwa nyore kana dutumupengo rakadai rakazodzoka mune ramangwana.

Vanyatsine vanoti vari kushandawo zvakasimba kuti vaone kuti zvikoro zvinodarika makumi mashanu zvakakanganiswa nemvura iyi mumatunhu aya zvakagadziriswa kotoro yepiri isati yatanga, iyo inotarisikwa kutanga kwemwedzi unouya.

Hurukuro naVaLovemore Nyatsine
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG