Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti riri kushushikana zvikuru nekwarinoti kupindira kwehurumende yeZanu PF munyaya dzekugoverwa kwerubatsiro kuvanhu vekuManicaland.
Mugwaro raburitswa nemutauriri webato iri, Va Jacob Mafume, MDC inoti zvinonyadzisa kuti bato rakatadza kubatsira vanhu munguva yetsaona yedutumupengo reCyclone Idai, rava kuenda kunobvutira vanhu rubatsiro rwuri kubva kune vane tsiye nyoro.
VaMafume vati kune vanhu vakawanda vakarasikirwa nehupenyu hwavo, vamwe havana pekugara, midziyo yakaparadzwa, uye vanhu ava vanoda rubatsiro nechimbi chimbi.
Asi VaMafume vati dambudziko re Cyclone Idai rakanyanya kuvhiringa hupenyu hwevanhu nepamusana pekutadza kuronga kweZanu PF.
VaMafume vati vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kubatana, kuitira kuti vamise maitiro eZanu PF.
Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, Va Simon Khaya Moyo, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.
Asi mumiriri weChipinge South muparamende, uye vari nhengo ye Zanu PF, VaEnock Porusingazi, varamba mashoko aya, vachiti vari kutotanga kuanzwawo kubva kuStudio7.
Kunze kweMDC, kune vamwe vanhu vari kupomerawo dzimwe nhengo dzeZanu PF mhosva yekugovera chikafu cherubatsiro dzichishandisa nyaya dzemapato, izvo zvinonzi zviri kuita kuti vatsigiri veZanu PF chete vawaniswe rubatsiro.
Zvinonzi mhuri dzakawanda dziri kurara nenzara mumatunhu akawirwa netsaona iyi kuChimanimani neChipinge, uko hutungamiri hweZanu PF, kusanganisira vamiriri vematunhu aya mudare reparamende, vari kupomerwa mhosva yekunyima chikafu vanhu vanozivikanwa kuti vanotsigira mapato anopikisa.
Mumwe mumiriri weparamende anonzi mukupera kwesvondo akatungamira mukugoverwa kwerubatsiro rwakabva kusangano reUnited Nations Children’s Fund, UNICEF, rwaipiwa vanhu paBiriwiri Business Centre, akanyima vanopikisa bato reZanu PF, izvo zvinonzi zvakazokonzera kuti paite zhowezhowe.
Vamwe vagari, kusanganisirawo mumiriri wedunhu reManicaland muparamende pasi pehurongwa hweProportional Representation, Amai Lynette Karenyi, veMDC, vakaudza Studio 7 kuti chikafu chiri kugoverwa ichi “chine maziso”, izvo zvinonzi zvinoreva kuti chiri kupiwa vekuziva chete, vanove vebato riri kutonga.
Asi VaPorusingazi varamba mashoko ekuti veZanu PF vari kunyima vamwe chokafu, vachiti vari kutotanga kuanzwawo kubva kuStudio 7.
VaPorusingazi, avo vanoti naivowo vakarasikirwa nechikafu zvekuti vari kutoponawo nekupiwa rubatsiro, vanoti Zanu PF ndiro bato rakatotanga kumhanya kunochema nevanga vachichema, uye kunopa rubatsiro kuvanhu vakawirwa netsaona iyi.
"Panguva yatiri hatipinzi zvematongerwo enyika nekuti tinovada (vanhu) vese. Vana ndeveZimbabwe vese, and hatina akanyora kana mabheji anoratidza kuti uyu ndewe bato rakati," vanodaro VaPorusingazi.
Vanoti vari kuyambirawo kana paine vebato reZanu PF vari kuita izvi vachishandisa tsaona iyi kuti vasiyane netsika iyoyi, vachiti bato reZanu PF rinozivikanwa nekubatsira vanhu, zvikuru mutsaona yeCyclone Idai iyi.
Facebook Forum