Accessibility links

Breaking News

Vaive Mutungamiri weBotswana VaKhama Vokurudzira Vatungamiri Kuti Vazvipire Kugadzirisa Zvinhu


Vaimbove mutungamiri weBotswana VaSeretse Khama Ian Khama vachitaura kumusangano weCZI muBulawayo.
Vaimbove mutungamiri weBotswana VaSeretse Khama Ian Khama vachitaura kumusangano weCZI muBulawayo.

Vaimbove mutungamiri weBotswana, VaSeretse Khama Ian Khama, vanoti Zimbabwe ine zvose zvingaite kuti ibudirire munyaya dzezvehupfumi asi zvinoda kuti vatungamiri vazvipire nemoyo yavo yose mukugadzirisa zvimhingamupinyi zviripo.

Vachitaura semunyarikani pamusangano weConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, muBulawayo, VaKhama vati Zimbabwe ine zviwanikwa zvakasiyana siyana pamwe nevanhu vakazvipira kushanda nesimba zvekuti inokwanisa kuve nyika yakabudirira nekukasika.

VaKhama vati kunyange hazvo nyika yavo ine zviwanikwa zvishoma, kunyanya mangoda, yakakwanisa kukudza hupfumi hwayo nekuita zvinhu zvakawanda zvakadai sekuve nemitemo yakajeka inoita kuti hupfumi hukure pamwe nekurwisa huwori.

VaKhama vati huwori hunodzorera budiriro kumashure uye zvakakosha kuti vatungamiri vazvipire nemoyo yavo yose kuti varwise huwori.

VaKhama vati muhutongi hwejekerere zvakakosha kuti vatungamiri vazvipire kuve nehurongwa hunoita kuti ruzhinji ruve nehupenyu hwakanaka kwete kuita zvinhu zvinofadza vashoma vachitsvaga mavhoti.

VaKhama vasetsa vanhu pavati nekuda kwekuti vaigara vachitsoropodza vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vamwe vanhu vanogona kufunga kuti pane ruvengo pakati pevanhu veBotswana neZimbabwe. Asi vati vanofara kuti pane hukama hwakasimba pakati penyika mbiri idzi.

Vamwe vange varipo pamusangano uyu vati vafara nemashoko aVaKhama vachiti Zimbabwe ine zvekudzidza zvakawanda.

Mukuru wekambani yeBeitbridge Bulawayo Railway, Amai Thembi Moyo, vaudza Studio 7 kuti nyaya yehuwori kunyanya ndechimwe chezvinhu zviri kuita kuti hupfumi husasimukire uye zvakakosha kuti hurumende igadzirise nyaya iyi.

Vaimbove mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaObert Sibanda, vatsinhirawo kukosha kwakaita kurwisa huwori.

Mukuru weCZI, VaSifelani Jabangwe, vati sangano ravo rafadzwa pamwe nekunzwa kuremekedzwa nekukwanisa kuuya pamusangano wavo kwaita VaKhama.

Vati zvimwe zvezvataurwa neVaKhama ndizvo zvinogara zvakataurwa nesangano ravo uye vanotarisira kuti vachasvitsa mazano avawana kuhurumende.

Gurukota rezvemaindasitiri, VaNqobizitha Mangaliso Ndlovu, ndemumwe vemakurukota ehurumende ange aripo pamusangano uyu.

Musangano uyu unopera mangwana uye mukuru weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, ndemumwe wevanotarisirwa kutaura pagungano iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG