Accessibility links

Breaking News

Mauto Anoti Haasi Kupindira Munyaya dzeMatongerwo eNyika


Zimbabwe Political Turmoil
Zimbabwe Political Turmoil

Muzinda wemauto unoti hapana mauto ayakatuma kuti aiite zvematongerwo enyika uye vanenge vaona mauto achiita zvematongerwo enyika, vanofanirwa kumhangara kumapurisa eZimbabwe Republic Police pamwe nekumuzinda weZimbabwe Defence Forces, ZDF, kuitirakuti mauto aya asungwe.

Mashoko aya aturwa nemutauriri weuto reZDF, Colonel Overson Mugwisi, apo vange vari kutsanangurira vatori venhau basa remuato musarudzo dzegore rino.

VaMugwisi vati vanoshushikana zvikuru nemashoko emanyepo ari kutaurwa nevamwe vanhu nekunyorwa mumapepanhau ekuti mauto akaendeswa kumaruwa uko ari kuita zvematongerwo enyika nekutsvagira rimwe bato rutsigiro.

Vati veruzhinji vanofanira kuziva kuti pagara paine masoja ari kushandira munzvimbo dzakasiyana siyana munyika ari kuita mabasa akaita sekuvaka zvikoro, zvipatara nemakirinika, zvirongwa zveCommand Agriculture, kuchengetedza mabhodha pamwe nekubatsira veNational Parks kuchengetedza nzvimbo dzinogara mhuka.

Vati kuoneka kwemasoja pamisangano inenge ine vakuru vakuru vehurumende hakusi kuti vanenge vachiita zvematongerwo enyika asi kuti vanenge vachichengetedza vakuru vakuru ava.

Vati ZDF haisiyo inoona nezvekufambiswa kwesarudzo asi kuti ichange ichibatsira mamwe mapazi ane chekuita nesarudzo akaita seZimbabwe Electoral Commission, Zec nezvifambiso pamwe nekubatsira mapurisa nekuchengetedza runyararo panguva yesarudzo.

Asi vari kumirira MDC Alliance musarudzo yemutungamiriri wenyika, VaNelson Chamisa, vanoti panofanira kuwiriranwa kuti ndivanani vopinda mukomiti yeZec inoona nezvekufambiswa kwesarudzo yeLogistics Committee kwete kupinza mauto nerweseri.

VaMugwisi vatiwo mauto ese achange asiri kunzvimbo dzaanogara kana kushandira pasarudzo ndiwo chete akanyoresa kuti avhote sarudzo dzisati dzasvika kana kuti Postal Ballot.

Vati mauto aya anosanganisira ayo achenge achiita zvidzidzo kuAll Arms Battle School kuNyanga, mauto ari kudzidzira basa kuZimbabwe Military Academy kuGweru, mauto ari kumiganhu yenyika pamwe neawo achaenda kumitambo yemauto kuRussia yeRussian Military Games.

VaMugwisi vatiwo zvakakosha kuti vatori venhau vanyore nhau dzechokwadi uye kuti vavabvunze vasati vaburitsa nhau pamusoro pemauto.

Vatiwo hazvina kunaka kunyora nhau dzemanyepo sezvange zviri kuitwa nemamwe mapepnahu emuno.

Vayeuchidzawo veruzhinji kuti mauto anobvumidzwa nemutemo kuti avhote musarudzo vachiti chisingabvumidzwe chete kuve nechigaro chezvematongerwo enyika munhu achiri pabasa.

VaMugwisi vati bumbiro remitemo yenyika rinobvumidza mauto akasiya basa kutora zvigaro mumapato ematongerwo enyika avanoda.

Pavabvunzwa nezvekuti vachatambira here zvinenge zvabuda musarudzo kana bato riri kutonga reZanu PF rikakundwa musarudzo, VaMugwisi vati mauto anotevedza bumbiro remitemo yenyika.

Mashoko aVaMugwisi anopesana zvikuru nevaimbove mukuru wemauto ose, muchakabvu General Vitalis Zvinavashe, avo vakati mauto haaizobvuma kuti nyika itongwe nemunhu asina kurwa hondo yerusununguko.

VaZvinavashe vakataura mashoko aya vakakomberedzwa nevaimbove mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vaimbove mukuru wemauto emuchadenga, Va Perence Shiri, pamwe naVaConstantino Chiwenga, avo vava mutevedzeri wemutungamiri wenyika mushure mekupidigura vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, muna Mbudzi gore rapera.

Kunyange hazvo VaMugwisi vati mauto achatevedza bumbiro remitemo, varamba kupindura mubvunzo wekuti havana kutyora mutemo here pavakabvisa VaMugabe pachigaro zviri kunze kwemutemo.

Vaimbove mutungamiriri weZimbabwe Nationa Students Unions, VaMakomborero Haruzivishe, vati chero pose paanotyora mutemo, mauto anenge achingoti ari kutevedza mutemo.

Vemapato anokipisa vanoti pane zviuru zvemasoja zvakaendeswa kumaruwa kunotsvagira Zanu PF rutsigiro, uye vachitiwo Zec iri kushanda nemauto achiri pabasa.

Asi sachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, vanoti mauto ava pamudyandigere ndiwo ari kushanda neZec sezvinodiwa nemitemo yenyika, kwete vachiri pabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG