Hurumende yamisa kushanda kwemakambani ose ari kuchera mangoda munyika kubva neMuvhuro ichiti haasisina mvumo yekushanda munyika sezvo isina kupa makambani aya marezinesi.
Bepanhau reHerald rinoti gurukota rezvezvicherwa, VaWalter Chidhakwa, vazivisa pamusangano nevatori venhau kuti chimwe chaita kuti hurumende itore danho iri kuramba kwemakambani aya kutambira hurongwa kuumba kambani imwechete inenge iine hurumende mukati.
Kambani iyi inonzi Zimbabwe Consolidated Diamond Corporation umo hurumende inenge iine zvikamu makumi mashanu kubva muzana.
Kuramba kupinda mumubatanidzwa wekambani uyu kuri kuitwa nemakambani aya ndizvo zvimwe zvinonzi nevamwe zvinogona kunge zvagumbura hurumende kusvika pakutora danho iri.
Makambani akawanda achabatwa nedanho iri ndeayo ari kuchera mangoda kwaMarange nekuChimanimani.
Makambani aya anoti Anjin Investments, Diamond Mining Company, Junan Mining, Kusena Diamonds, Marange Resources neMbada Diamonds.
Studio 7 yatadza kubata vemakambani ari kuchera mangoda ava, asi tabata veZimbabwe Chamber of Mines, asi vati havagoni kutaura pamusoro penyaya iyi sezvo vanga vasati vanzwa nezvedanho rehurumende iri.
VaFarai Maguwu, vanove mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, sangano rinorwira kuchengetedzwa kwezvivanikwa, zvikuru mangoda ekwaMarange vanoti kunyange hazvo danho rehurumende iri rakanga rakanonokwa zvakanyanya, vanoritambira.
“Panzvimbo pekuti vangotaura vakanangana nevemigodhi chete, Vachidhakwa vanofanirwa kutaurawo pamusoro pevagari vemunzvimbo dzaicherwa mangoda idzi avo vakabviswa munzvimbo idzi asi havasati vabhadharwa nanhasi” VaMaguwu vanodaro.
Vanoti panofanirwawo kuumbwa komisheni inoongorora mafambisirwo akanga achiitwa mangoda aya sezvo hurumende yakatobvuma kare kuti haina chayakawana kubva mumangoda aya.