Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzira Vari muBotswana Kutanga Mabhizimusi Kumusha


Zvimwe zvezvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvakapinda musangano uyu.
Zvimwe zvezvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvakapinda musangano uyu.

Hurumende iri kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana kuti zvitange mabhizimisi kumusha nechinangwa chokusimudzira hupfumi hwenyika.

Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ine hurongwa hwekukwezva zvizvarwa zvernyika zviri kunze kwenyika kuti zvitange mabhizinesi kumusha senzira yekubatsira mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Humwe hurongwa uhu hwakaitwa nezuro, Mugovera, muguta guru reBotswana kumusangano wakapindwa nezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana.

Vachivhura musangano uyu zviri pamutemo, mumwe mukuru mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika nekutenga nekutengeserana, Amai Pavelyn Musaka, vakati chinangwa chemusangano uyu ndechekukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana kuti zvitange mabhizimisi akasiyana siyana munyika.

Vakafanobata chinzvimbo chemumiriri weZimbabwe muBotswana, Amai Margret Ruparanganda, vakatiwo musangano uyu wainge wakanangana nekuvandudza hupfumi hwenyika.

Sachigaro vesangano reZimbabwe Residents Assocation, VaMicheal Kurwakumire, vakati hurumende inofanirwa kugadzirisa zvimhingamupinyi zvinosangana nevanhu pamabhodha.

Mashoko aVaKurwakumire atsinhirwa naVaPaul Chitate vachiti hurumende inofanirwa kusunga dzisimbe mukugadzirisa dambudziko rekusabatwa zvakanaka kwevanhu vanoda kuita mabhizimisi munyika.

Chimwe chizvara cheZimbabwe chakapinda mumusangano uyu, Muzvare Pretty Ganyani, vaudza Studio7 kuti hurumende ikarerutsira vanoda kuita zvemabhizinisi muZimbabwe, nyika inogona kubudirira.

Munyori mubazi rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, VaMunesu Munodawafa, vanoti hurumende iri kuita zvese zvainogona kugadzirisa mamiriro ezvinhu munyika uye ndima iri kuoneka.

Hurumende iri mubishi rekuumba bazi idzva richabatsira vemabhizimisi kusima mari dzavo munyika, reZimbabwe Investment and Development Agency Bill, iro rinotarisirwa kurerutsira vanoda kutanga mabhizinesi munyika.

Hurongwa hwakaitwa neMugovera hwaitsigirwa nemasangano eEuropean Union akabatana nereUnited Nations reInternational Organization for Migration kana kuti IOM Development Fund.

Pakawana nyika kuzvitonga muna 1980, Zimbabwe yaive nyika yairemekedzwa zvikuru sezvo hupfumi hwayo hwainge hwakasimba.

Asi nekutadza kutonga zvakanaka kwehurumende pasi pevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, hupfumi hwenyika hwakatanga kuenda kumawere kumakore ekuma 1990s.

Izvi zvakazoipisisa muna 2000 zvichikwira apo hurumende yakatanga kubvuta mapurazi evachena izvo zvakapa kuti hupfumi hugwadame.

Nyika yakarasikirwa nevashandi vane hunyanzvi, avo vakabuda munyika vachinotsvaga mafuro manyoro. Mabhizinesi akatangawo kuvharwa vanhu vachirasikirwa nemabasa.

Asi VaMnangagwa, avo vakatsiva VaMugabe mushure mekubviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi 2017, vanoti hurumende yavo ine chido chekuburitsa nyika mumadhaka mairi.

Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanoti Zimbabwe haikwanisi kubuda mumadhaka mairi kana hurumende yaVaMnangagwa isingaremekedzi kodzero dzevanhu pamwe nemitemo yenyika.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG