Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Vanotumira Mari Inodarika US$1.6 Billion


Zimbabwe Banks - Cash 24 Bank
Zimbabwe Banks - Cash 24 Bank

Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rakazivisa kuti mari yakapinda munyika kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika yakadarika bhiriyoni imwe chete nemazana matanhatu ezviuru zvemadhora zvemari yekuAmerica mugore rapfuura iri ra 2020.

Bhnga iri rinoti mari yakabva kuzvizvarwa zveZimbabwe chete yakadarika zvishoma pabhiriyoni rimwe remadhora ekuAmerica, kuchitiwo mazana matanhatu ane makumi mana nemanomwe emamiriyoni ane zviuru mazana masere zvemadhora, kana kuti US$647.8 million ichitumirwawo kumizinda yedzimwe nyika pamwe nemasangano akazvimirira, zivo zvakasvitsa huwandu hwemari yose pa US$1.647 billion.

Mari iyi yakakwira nezvikamu zvinodarika zvishoma makumi mana nezviviri kubva muzana kana zvichienzaniswa nemari yakapinda munyika muna 2019.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuBritain, vari nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza, vanoti mari yakapinda munyika inodarika iri kutaurwa neRBZ zvakanyanya vachiti imwe mari yakawanda inotumirwa nevanhu vasingashandise mikana yekutumira mari iri pamutemo.

Asi Doctor Mavaza vanoti kuwanda kwemari iri kubva kunze uku kunofanirwa kuita kuti hurumende ikoshese zvakanyanya bandiko rezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze mukuvaka hupfumi hwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG