Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Votsvaka Rubatsiro rweMari Kuhama Dziri Kunze kweNyika


Musikana wechikoro
Musikana wechikoro

Panguva iyo kuvhurwa kwezvikoro kuri kuitwa svondo rinouya musi wa 8 Ndira, vabereki vazhinji vari kutadza kuwana mari yechikoro, mbatya dzevana vechikoro, mabhuku nezvimwe zvinodiwa sezvo mitengo yezvinhu zvese izvi yakwira zvakanyanya.

Mitengo yezvinhu izvi iri kukwira panguva iyo vanhu vakawanda vasina mabasa, uye vane mabasa vachitambira mari dzisingavakwanire.

Izvi zviri kuita kuti vanhu vakawanda munyika vatsvake rubatsiro rwemari kuhama neshamwari dziri kunze kwenyika sezvo vanhu vari kuomerwa nehupenyu muZimbabwe.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zviri kuremerwa zvikuru nekubatsira nguva dzose hama neshamwari kumusha sezvo zvinhu zviri kuramba zvichioma.

Mumwe weavo vari kunze kwenyika anodzidzisa kuLouis Trichadt kuSouth Africa, Amai Alma Mapfumo, vanoti hupenyu hwavo hauchanikidza nepamusoro pedambudziko rakatarisana nevana vechikoro mumusha mavo kuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoita zvehugweta ku Oregon muAmerica, VaTapiwa Kapurura, vanoti vari kuremerwawo zvikuru nezviri kuitika kuvana vemhuri yavo muZimbabwe vachiti hurumende haifanirwe kuita zvekutamba nezvedzidzo nekuti chinhu chinokosha uye vana vechikoro vanofanirwa kuchengetedzwa kuitira kuti vasavhiringwa nezvinhu zvakadai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG