Apo Zimbabwe iri kupemberera zuva rekubatana (Unity Day) nyanzvi munyaya dzerunyararo nekubatana dzinoti nyika ichine rwendo rwurefu mukuwana runyararo nekubatana kwechokwadi.
Nyanzvi munyaya dzekubatana uye vachishanda nesangano reTransitional Justice Working Group in Zimbabwe, Dr Reverend Ray Motsi, vati hapana kubatana kana kuwirirana kuri kuoneka munyika.
VaMotsi vati kana pasina kugadziriswa kwenyaya yezvakaitika panguva yeGukurahundi kunonzi kwakafa vanhu vanodarika zviuru makumi maviri, nyika haigoni kuva nekubatana nerunyararo rwemandorokwati.
VaMotsi vati kukanganisirana kwakaitwa kare kunofanirwa kugadziriswa vanhu voregererana. Vatiwo pasina kugadzirisa dambudziko remhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika, runyararo nekubatana zvinoramba zvichitizira kure.
Muuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vatiwo vanoona sekuti makore makumi matatu nematatu chibvumirano chekubatana ichi chaitwa, zvizvarwa zveZimbabwe zvirivkutonyanyo patsanurika zvakanyanya.
Murongi wemabasa musangano reHeal Zimbabwe Trust, VaEcknowledge Mandikwaza, vatiwo nhaurirano pakati pemapato ese ari mune zvematongerwo enyika pamwe neveruzhinji rweZimbabwe ndozvega zvingaunze kubatana kwechokwadi munyika.
Munyori muZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vatiwo kubatana chaiko kuronga mikana yenhaurirano kunyange hazvo vanhu vane maonero akasiyana siyana.
Vatiwo kubatana chaiko kunoreva kunzwisisana pasina kutyityidzirana kana kushandisirana chisimba vakati izvi zvikaitika rwendo rwerunyararo nekubatana rwunoita nyore.
Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati hurumende ikaremekedza kodzero dzvevanhu vese, zvinoita kuti vanhu vabatane zvechokwadi.
Mumashoko avo ekupemberera zuva rekubatana, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati kuumba runyararo pamwe nekugadzirisa kusawirirana richaramba riri donzvo ravo apo hurumende iri kuenderera mberi nehwaro hwebudiriro.
Vatiwo apo panenge pasina kusawirirana, vanoda hurukuro nekutaurirana vanhu vachinzwana. VaMnangagwa vakurudzirawo kubatana munyika.
Asi mutevedzeri wenyori wezvekuburitswa kwemashoko mu MDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati Zanu PF haisi muchokwadi munyaya dzerunyararo.
Chibvumirano cheUnity Accord chakanyoreranwa muna 1987 pakati pemapato ezvematongerwo enyika Zanu-PF nePF Zapu musi wa 22 Zvita 1987.
Vakanyorerana chibvumirano ichi vachakabvu Robert Mugabe naDoctor Joshua Nkomo.
Izvi zvakatevera kuurayiwa kwevanhu vanofungidzirwa kuti vanosvika zviuru makumi maviri kuMatabeleland neMidlands munguva yeGukurahundi nemauto eFifth Brigade.
Facebook Forum