Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau veAlpha Media Votamba Kisimusi Vasina Mari


VaFoster Dongozi
VaFoster Dongozi

Asi munyori mukuru muZUJ, VaFoster Dongozi, vanoti zvakaitwa izvi vanozvishora zvikuru vakati vari kutora matanho ekuti vagare pasi nevaridzi vekambi iyi.

Kambani yeAlpha Media Holdings, AMH, iyo inodhinda mapapenhau matatu anoti NewsDay, Zimbabwe Independent, pamwe neThe Standard, yapindawo mumutsetse wemakambani ari kutatarika zvichitevera kutadza kwayo kupa vashandi vayo mihoro mumwedzi waZvita.

Kambani iyi yakangokwanisa kupa vashandi vayo madhora makumi mashanu pamunhu, uye mavhocha ane huremu hwezana remadhora ekushandisa kutenga zvinhu kuchitoro che OK Bazaars.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vane ruzivo nezviri kuitika mukambani iyi vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzemari zvekuti vashandi havasati vatambira mihoro yavo kubva muna Gumiguru.

Senzira yekuratidza kuti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka mukambani iyi, AMH yakagumura vashandi vayo makumi manomwe zvichitevera mutongo wemuna Chikunguru, uyo wakapa makambani ari kutatarika masimba ekugumura vashandi kana isisakwanise kuvabhadhara.

Asi kambani iyi haina kutevedza mutemo unoisungira wekubhadhara vashandi mwedzi mitatu kana ichida kuvagumura. AMH inonzi yakanyorera Retrenchment Board of Zimbabwe ichichema chema kuti haina kana mari yekubhadhara vashandi vayakagumura.

Asi vatori venhau pamwe nemasangano anorwira kodzero dzevatori vari kushora zvikuru kambani iyi mabatiro ayiri kuita vashandi vayo. Munyori mukuru musangano reZimbabwe Editors Forum, VaBarnabas Todhlana, vanoti zvaitwa neAMH zvinodzikisira vatori venhau

VaNyasha Nyakunu vesangano rinorwira kodzero dzevatapi venhau reMisa-Zimbabwe, vakurudzira veZimbabwe Union of Trade Unions kuti iongorore nyaya iyi zvakasimba

Mumwe mutori wenhau wemuHarare, Terry Mutsvanga, ashorawo sangano reZimbabwe Union of Journalists, ZUJ, nekuregera vatori venhau vachipiwa tumari tusina mature panguva yezororo rekisimusi.

Asi munyori mukuru muZUJ, VaFoster Dongozi, vanoti vashandi vekuAMH vakasvitsa nyaya yavo kuZUJ, iyo iri kuzeya nyaya iyi.

VaDongozi vanoti zvakaitwa izvi vanozvishora zvikuru vakati vari kutora matanho ekuti vagare pasi nevaridzi vekambi iyi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reAMH. Asi vakamirira AMH pakanzwikwa nyaya iyi pamberi peRetrenchment Board of Zimbabwe mwedzi uno, VaVincent Kahiya, vakati kambani yavo iri kunetsekana nemari kubva muna Ndira gore rapera.

Retrenchment Board yakati AMH iuye nemagwaro ayo anoratidza kuti mari iri kupinda zvakadii mukambani iyi.

VaDongozi vanoti sangano ravo rakamirirawo kuona kuti kambani iyi inowana mari yakawanda zvakadii kubva mukutengesa kwayo mapepanhau ayo, pamwe nemari dzinobhadharwa nekambani nemasangano anoshambadza zvaanoita mupepanhau ari pasi peAMH.

Alpha Media Holdings ikambani yamuzvinabhiznesi, VaTrevor Ncube, avo vanova zvakare muridzi webepanhau re Mail and Guardian rekuSouth Africa.

XS
SM
MD
LG