Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa Zvinowaniswa Mukana weKushambadza Zvigadzirwa


Vakawanda vanonzi vakatora mukana uyu kushambadza pamwe nekutengesa zvigadzirwa zvakasiyanasiyana.
Vakawanda vanonzi vakatora mukana uyu kushambadza pamwe nekutengesa zvigadzirwa zvakasiyanasiyana.

Mhuri yeZimbabwe inogara muSouth Africa inoita zvemabhizimisi akasiyanasiyana neMugovera yakawaniswa mukana wekushambadza pamwe nekutengesa zvigadzirwa zvekumusha kuburikidza nemukana wemusika wekutengeserana wakaparurwa nesangano rezvizvarwa zveZimbabwe, reProudly 263.

Vachitaura pakuparurwa kwemusika wekutengeserana uyu, mukuru wesangano iri, VaStan Makwara, vakati chinangwa chavo ndechekuda kusimudzira nekusimbaradza mhuri yeZimbabwe iri mune zvemabhizimisi achiri kusimukira.

VaMakwara vakaudza Studio 7 kuti hurongwa hwakadai hucharamba huchiitwa gore negore kusvikira paita budiriro inoonekera kunyika yeZimbabwe pamwe nemhuri yayo.

Muzvare Sharon Ngwenya, avo vanobva kuBulawayo, ndemumwe weavo vaive pamusika wekutengeserana uyu vaine chinangwa chekuda kusimudzirawo bhizimusi ravo.

Mumwe weavo vaivewo pamusika wekutengeserana uyu ndiAmai Chenai Mutsekwa, vanotungamirira kambani inogadzira zvakasiyanasiyana vachishandisa twumiti twunowanikwa pama ice cream.

Mukuru wekambani yeMM Chemical Investments, Amai Gorejena, kana kuti Simangaliso Tsuro, vanoti vakatangisa kambani yavo yekugadzira mishonga nekuda kuratidza mamwe madzimai kuti izvi hazviitwe nevanhurume chete.

Muzvare Sibongile Hwena, ndechimwe chizvarwa cheZimbabwe chaivepowo pamusika wekutengeserana uyu, chichishambadza zvinoshandiswa pakubikisa, izvo zvinogadzirwa nekambani yavo.

Vanoendererawo mberi vachiti kunyange hazvo vave nechavo chavanoti chekubata, vakatarisana nezvimhingamipinyi zvakasiyanasiyana mubhizimusi ravo.

VaJabulani Zvinavashe, avo vanosona mbatya dzine nhoroondo yeZimbabwe uyewo nedzimwe nyika dziri muAfrica, ndemumwewo zvakare akawana mukana wekushambadza zvigadzirwa zvake pamusika wekutengeserana uyu.

Kambani inoitawo zvekugadzira mishonga, nekuvaka, inotungamirirwa na VaBrighton Songore ndeimwe yakange iri kuratidzira mabasa ayo pamusika wekutengeserana uyu.

Vashandi vepamuzinda weZimbabwe muSouth Aafrica vakati mumiriri weZimbabwe pamuzinda uyu, VaDavid Hamadziripi, ndivo vaifanira kunge vachiparura musika wekutengeserana uyu, asi havana kuzokwanisa kuvepo nekuda kwekubatikana.

Nyaya ina Moreblessing Munjoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG