Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa naVaMangudya Voita Misangano neIMF ne World Bank muAmerica


Gavhuna weRBZ Dr John Mangudya
Gavhuna weRBZ Dr John Mangudya

Gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa nagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Dr John Mangudya vari muWashington DC kumusangano wepagore weInternational Monetray Fund ne World Bank unoitwa muna Kubvumbi kana kuti Spring meeting.

Zimbabwe iri kuyedza kuumbiridza hukama nemabhanga maviri aya mushure mekumborimirana kumuganhu nekuda kwekutadza kubhadhara zvikwereti.

Kumicheto kwemisangano mukuru kunenge kuine misangano yekuyedza kugadzirisa hukama nekuysvaga mari inenge ichipindwa neZimbabwe.

Zimbabwe yainge yavimbisa kuti kusvika muna Chikumi inenge yapedza kubhadhara mari yemitero pazvikwereti inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora nezviuru mazana masere emadhora kumabhanga nehurumende dzenyika dzakabudirira.

Dr Mangudya vaudza Studio 7 kuti misangano yavario kuita yakakosha zvikuru mukuyedza kugadzirisa hupfumi hwenyika. Zimbabwe haisi kukwereteswa mari nemabhanga aya nenyaya yekutadza kubhadhara zvikwereti.

Hurukuro naDr John Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG