Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoda Kuti Paramende Igadzirise Mitemo yeSarudzo


Amai Ellen Dingani
Amai Ellen Dingani

Sangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN, ranyorera tsamba kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, mutauri weparamende, VaJacob Mudenda, kuZimbabwe Human Rights Commission nekune mamwe makomishini anorwira kodzero dzevanhu richikuridzira kuti nyaya yekuvandudza kwemitemo yesarudzo igadziriswe nedare reparamende.

Vanoona nezvezvirongwa zveZESN, Amai Ellen Dingani, vaudza Studio 7 kuti zvinofanirwa kukurumidza kutaurwa nekugadziriswa zvinosanganisa kushanda kweZimbabwe Electoral Commission, kubvumidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuvhota, nezvimwe.

“Tirikuda kuti paramende yedu idzokere kunyaya yezvinoda kuvandudzwa nekugadziriswa takatarisana nenhau dzesarudzo,” Amai Dingani vakaudza Studio 7. Vanoenderera mberi vachiti, “Tinoda kuti nyaya yesarudzo idzokere zvekare munyaya dzinofanirwa kukurukurwa nekugadziriswa.”

Amai Dingani vanoti vanoda kuti masangano ese anorwira kodzero dzevanhu abatsire mukuona kuti paramende nemutungamiri wenyika vanokoshesa nyaya iyi uye vanoiisa mudariro rezvinhu zvirimberi kwezvinhu zvinofanirwa kugadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG