WASHINGTON —
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaudza gurukota rezvemari VaTendai Biti uye gurukota rezvemitemo VaPatrick Chinamasa kuti vagadzirise nechimbi chimbi nyaya yekuti Zimbabwe yoita sei nechikwata cheUnited Nations chiri muSouth Africa chakananga kuZimbabwe.
Chikwata ichi hachisati chapihwa mvumo yekupinda munyika sezvo pasina kutenderana muhurumende yemubatanidzwa.
Zimbabwe yakakumbira mari inosvika mamiriyoni mazana makumi maviri nemashanu kuUnited Nations muna kukadzi asi kusvika parizvino hapana chati chabuda nenyaya yekuti Zimbabwe haisikuda kuti United Nations itumire nhumwa dzayo idzi ichiti dziri kuda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.
Sangano reUnited Nations ratendawo kekutanga mumagwaro kuvatori venhau kuti pave kakunetsana pakati paro neZimbabwe nezvenyaya yechikwata chenhumwa idzi. Nhumwa dzeun dzinenge dzichizoita misangano nesangano akaita seZEC, anorwira kodzero dzevanhu nevamwe.
Asi United Nations inoti kana nyika ipi zvayo ichida mari mutemo kuti nhumwa idzi dzitumirwe. Mumwe wechikwata chemakurukota chakaumbwa kutsvaga mari yesarudzo VaArthur Mutambara vati titaure naVaTendai Biti. Asi VaBiti vati vange vari mumusangano.
Mukuru wesangano reElectoral Resource Centre VaTawanda Chimhini vanoti Zimbabwe inofanira kurega nhumwa idzi dzichipinda munyika kana pasina chekuwanza.