Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa, Vanosaina Mutemo Mutsva weSarudzo


Mutungamiri wenyika, vaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, vaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasaini bhiri reElectoral Amendment Act of 2018 kuti uve mutemo wenyika, izvo zvave kupa mukana wekuti nyika iite sarudzo pachishandiswa mutemo mutsva uyu.

Izvi zvaziviswa mugwaro rehurumende reGovernment Gazette, iro raburitswa neChipiri, uye chiziviso ichi chinoti mutemo uyu wakatanga kushanda neMuvhuro.

Vachiutaura mushure mekuburitswa kwechiziviso ichi, vanokokera nhengo dzebato guru rinopikisa munyika reMDC-T inotungamiririrwa naVaNelson Chamisa, VaInnocent Gonese, vati havana kufara nekuti VaMnangagwa vasaina mutemo uyu usina zvizhinji zvaidiwa nevemapato anopikisa kuti zvigadziriswe kana kuwedzerwa.

Vati semaonero avo nyika haigona kuve nesarudzo dzisina mutauro kana pasina kuwirirana pazvinhu zvakawanda zvakaita sekudhindwa kwemagwaro ekuvhotesa kana kuti maballot paper.

MDC-T yaida kuti kudhindwa nekwema ballot paper kuitwe pachena vese vari kupinda musarudzo varipo.

Vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo mutemo mutsva uyu uchirambidza zvemhirizhonga, haupi matare mazino ekuranga vanenge vakonzera mhirizhonga panguva yesarudzo.

Munyori anoona nezvemutemo mubato riri kutonga reZanu PF, VaPaul Mangwana, vaudza Studio 7 kuti vafara chose nedanho ratorwa nemutungamiriri wenyika, vachiti vave kugadzirira sarudzo pasi pemutemo mutsva uyu.

Panyaya yekunyunyuta kuri kuita vemapato anopikisa, VaMangwana vati mapato aya aifanira kugadzirisa zvichemo zvawo kuparamende uye mutungamiriri wenyika anoshanda nezveanenge apihwa neparamende.

VaMnangagwa vanotarisirwa kudoma zuva richaitwa sarudzo nguva ipi zvayo, uye izvi zvinoteverawo kupera kwechirongwa chekuongororwa kwegwaro revavhoti neveruzhinji.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG