Accessibility links

Breaking News

Komisheni yeSarudzo Yotarisirwa Kuva neMakomishina Matsva Matanhatu


Zimbabwe Electoral Commission start vote counting in Harare after the July 30 elections which the main opposition party Movement for Democratic Change Alliance say was rigged for the ruling ZANU-PF party.
Zimbabwe Electoral Commission start vote counting in Harare after the July 30 elections which the main opposition party Movement for Democratic Change Alliance say was rigged for the ruling ZANU-PF party.

Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) iri kutarisirwa kuva nemakomishina matanhatu matsva ekutsiva makomishina ari kusiya zvigaro zvawo zvichitevera kupera kwetemu yemakomishina aya muna Chikunguru gore rino.

Muchiziviso chayo kune veruzhinji, komiti inoona nezvekufambiswa kwebasa muparamende yeStanding Rules and Orders, iri kukoka veruzhinji kuti vadome vanhu vavanoda kuti vapinde muZEC kuti vatore zvigaro zvenhengo nhanhatu dzekomisheni idzo dziri kusiya basa musi wa6 Chikunguru apo panopera nguva yadzo yekuve nenhengo dzebhodhi rekomisheni.

Komiti iyi inoti panodiwa vakadzi vana nevarume vaviri kuti vatore zvigaro izvi.

Komiti iyi inoti veruzhinji vanofanira kudoma vanhu vane chiremera pamwe nehunyanzvi munyaya dzekukufambiswa kwesarudzo.

Vanhu vanobvumidziwa kudoma vanhu vavanoda kuti vapinde muZEC kusvika musi 18 Kukadzi uye komiti iyi inozoita bvunzo dzekuona kuti vanenge vadomwa vanokodzera here kana kuti kwete.

Komiti iyi inozoendesa mazita evanenge vakunda kumutungamiri wenyika uyo anotambira mazita aya kana kuaramba.

Nyanzvi munyaya dzesarudzo vachishanda nesangano reElections Resource Centre, VaSolomon Bhobhosibunu, vati zvakakosha kuti pave nenhengo itsva dzekomisheni iyi.

Asi vati vanhu vanodomwa ava vanofanira kunge vakazvimirira kuitira kuti nyika ikwanise kuita sarudzo dzakachena.

Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo munyika, reZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vaudza Studio 7 kuti kuvepo kwevanhu vatsva muZEC kunogona kusandura maitirwo ebasa muZEC.

VaMakoni vatiwo zvakakosha kuti mutemo wemafambisirwo esarudzo ushandurwe kuitira kuti ZEC ikwanise kushanda yakazvimirira.

Mapato anopikisa nemasangano anoshanda akazvimirira munyika anogaro chema chema achipomera ZEC mhosva yekuita basa rayo yakarerekera kuhurumende nebato riri kutonga.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vachidzidzisa kuAfrica University, Dr Wellington Gadzikwa, vaudza Studio 7 kuti ZEC haina chimiro chakanaka kune veruzhinji uye kasandura vanhu hakuna zvakunagadzirisa.

Vanoti semaonera avo mutemo wesarudzo unofanira kusandurwa uye mutungamiriri wenyika hafaniri kune vechekuita nekusarudzwa kwenhengo dzeZEC.

Mutungamiriri webato rinopikisa reDemocratic Party, Dr Wurayayi Zembe, vaudza Studio 7 kuti ZEC inofanira kuumbwa patsva kuitira kuti veruzhinji nemapato ematongerwo enyika vavimbe nayo.

Vanenge vadomwa kuve nhengo dzeZEC vanoita makore matanhatu vari pachigaro uye vanokwanisa kudomwa kuti varambe vari pabasa kwemamwe makore matanhatu zvekare.

Pari zvino Amai Priscillah Chigumba ndivo sachigaro wekomisheni iyi.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZEC Amai Letitia Kazembe, kuti tinzwe kuti ndivanani vari kusiya zvigaro zvavo muna Chikunguru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG