Hurumende yatanga kupinza basa varairidzi zviuru zvitatu kutanga kotoro ino.
Bazi redzidzo yepasi raburitsa mazita evarairidzi vakawana basa iri pamwe nezvikoro zvavanenge vachishandira mumatunhu ese munyika.
Bazi iri rinoti varairidzi ava vanofanira kuenda kumahofisi ari mumatunhu avo kuti vandonyoresa kuti vatange basa.
Mutauriri webazi iri, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti vanotambira zvaitwa nehurumende izvi vachiti zvichavabatsira zvikuru panguva ino yeCovid-19.
VaNdoro vati vachiri kuda varairidzi vakawanda muzvikoro vachiti vanovimba kuti hurumende icharamba ichipinza varairidzi basa kudzamara vasvika pahuwandu hwavanoda.
Munyori musangano reZimbabwe National Union of School Heads, VaMunyaradzi Majoni vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nehurumende zvakanaka chose asi vakati varairidzi ava vari kupinzwa basa vashoma chose kana zvichienzaniswa nehuwandu hwevarairidzi vakasiya basa nezvikonzero zvakasiyana siyana.
Vati ongororo yakaitwa nesangano ravo yakaratidza kuti pane varairidzi zviuru makumi maviri nezvishanu vakasiya basa kubva muma Kurume gore rapfuura kusvika pari zvino.
Vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo kuwedzera huwandu hwevarairidzi muzvikoro kwakanaka chikuru chinodiwa kuti zvinhu zvifambe muzvikoro kupa varairidzi mihoro inovagutsa.
VaMajoni vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro sezvo varairidzi vasiri kufara nemihoro yavari kupihwa.
Varairidzi munyika vanoti vanoda kutambiriswa mazana mashanu nemakumi mana emadhora ekuAmerica kuti vakwanise kurarama zvakanaka.
Pari zvino Zimbabwe ine varairidzi vanodarika zviuru zana nemakumi makumi mana nezvishanu, 145 000.
Facebook Forum