Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Kuoma kweZvinhu muZimbabwe Kana Mhirizhonga Ikasapera muSouth Africa


Stick-wielding protesters march through the streets as violence following the jailing of former South African President Jacob Zuma spread to the country's main economic hub in Johannesburg, South Africa, July 11, 2021. REUTERS/ Siphiwe Sibeko
Stick-wielding protesters march through the streets as violence following the jailing of former South African President Jacob Zuma spread to the country's main economic hub in Johannesburg, South Africa, July 11, 2021. REUTERS/ Siphiwe Sibeko

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti mhirizhonga iri kuitika muSouth Africa ichavhiringa zvakanyanya hupfumi hweZimbabwe sezvo nyika iyi ichitenga zvinhu zvakawanda kubva kuSouth Africa, uye zvimwe zvinhu zvainotenga kudzimwe nyika zvichipfuura nemuSouth Africa.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zviri kuitika muSouth Africa zvichaita kuti zvinhu zviome muZimbabwe kana hurumende yemuSouth Africa ikatadza kupedza mhirizhonga iyi nekukurumidza.

Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries,Muzvare Sekai Kuvarika, vanoti mhirizhonga iri kuitika muSouth Africa inovhiringidza mashandiro emaindasitiri emuZimbabwe sezvo maindasitiri aya achishandisa zvinobva kunze kwenyika zvichipfuura nemuSouth Africa, zvimwe zvichgadzirwa munyika iyi.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu,
vanoti mhirizhonga iri muSouth Africa inokanganisa mamiriro ezvehupfumi
munyika dzose dziri kuchamhembe kweAfrica sezvo iri iyo ine hupfumi
hwakasimba mudunhu iri.

VaMutashu vanoti pane kutengeserana kukuru pakati peZimbabwe neSouth Africa vachitiwo Zimbabwe inowana zvinhu zvakasiyana siyana kusanganisira chikafu, zvinosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

VaMutashu vayambira kuti vanhu havafanirwe kuita nhangemutange kutenga chikafu chakawanda.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro munyaya dzebudiriro, VaFelix Chari, vanoti kunyange hazvo pasina mafigiri angavepo pari zvino anoratidza kuti mhirizhonga iri kuSouth Africa yakanganisa zvakadii mamiriro ezvehupfumi munyika iyi, zviri pachena kuti zvinhu zvichakanganisika zvikuru sezvo mamwe maindasitiri akatoparadzwa kare nemhirizhonga iri kuitika iyi .

Chipangamazano musangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zviri
kuitika izvi zvinofanirwa kuita kuti Zimbabwe isambaradze mashandisiro ainoita Mozambique neTanzania mukpinza munyika zvinhu zvainotenga kunze.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wekambani yehurumende yeZimTrade, iyo inoona nezvekudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika, VaDanai Majaha, sezvo vakundikana kuzadzisa vimbiso yavo yekutipa
mamiriro akaita kudyidzana pakati peZimbabwe neSouth Africa pataenda pamhepo.

Asi sangano reUnited Nations rinoona nezvekutengeserana pasi rose, re Comtrade, rinoti South Africa yakatengesa gore apera zvinhu zvayo kuZimbabwe zvinoita mabhiriyoni maviri nemazana maviri nemakumi matatu emamiriyoni emadhora ekuAmerica, kana kuti 2.23 billion US dollars.

Ukuwo Zimbabwe inonzi yakatengeserawo South Africa gore rapera zvinhu zvinokosha bhiriyoni rimwe chete nemazana manomwe nemakumi matatu emamiriyoni emadhora, kana kuti 1.73 billion US dollars.

Zvinhu zvinotengwa zvakanyanya neZimbabwe kuSouth Africa zvinosanganisira mishina, nuclear reactors, mafuta, dzimotokari, chikafu mapurasitiki, simbi, zvigadzirwa zvinoshandisa magetsi, sipo nemakenduru nezvimwe.

Zimbabwe inotengeserawo South Africa zvinhu zvinosanganisira fodya, matombo anokosha, kotoni, matehwe emhuka nemichero.

Sangano reWorld Bank rinoti South Africa ndiyo nyika iri pamusoro pakutengeserana neZimbabwe ichiteverwa neSingapore, China iri yechitatu.

Izvi zvinoratidza kuti South Africa ikahetsura, Zimbabwe inohetsurawo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG