Zimbabwe yakatarisana nedambudziko remweya wekubatsira kufema kwevarwere veCovid-19 vanenge vachirwarisa munzvimbo dzakawanda munyika.
Vanoziva zviri kuitika vanoti dambudziko rekushaikwa kwemweya unobatsira vanhu vanenge varwarisa riri kuitika mumatunhu akawanda.
Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nehuwandu hwevarwere veCovid-19 vari muzvipatara pamwe nevakachengeterwa muma isolation centers.
Gurukota reMashonaland West, Amai Mliswa-Chikoka, vakazivisa mukuru anomirira dunhu muCovid-19 National Taskforce uye vari gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, pamusangano wavakaita neMugovera kuti nzvimbo dzinochengeterwa vanhu vanenge varwarisa nechirwere cheCovid-19, hadzichisina medical oxygen.
Amai Mliswa-Chikoka vakati vakaudza bazi rezvehutano mamiriro
akashata aita dambudziko iri mudunhu reMashonaland West.
Mukuru wezvehutano mudunhu reHurungwe kuMashonaland West, VaShephard Marweyi, vakatiwo ichokwadi kuti dambudziko re medical oxygen, ranetsa munzvimbo yavo.
Mukuru anoona nezvechirwere cheCovid-19 mudunhu reMashonaland Central uye vari gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vanoti dambudziko iri richiri mudunhu ravo, kunyange hazvo rava nani.
Mudunhu reMidlands, mukuru wezvehutano mudunhu iri, VaReginald Mhene, vanoti kunyange zvava nani, dambudziko iri rinogara richinetsa mudunhu ravo.
Asi mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reManicaland, VaSamson Nyoni, vanoti dunhu ravo harina dambudziko iri.
Mukuru anoona nezvechirwere cheCovid-19 munyika, Dr Agnes Mahomva, vati titaure nemutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, avo vanoti vanga vasati vataura nematunhu ose kuti vazive kuti ndeapi mamwe matunhu ane dambudziko iri.
Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu makumi matatu nevatatu vkafa
nechirwere cheCovid-19 nezuro izvo zvakasvitsa vanhu vafa nechirwere
ichi pachiuru chimwe chete nemazana mapfumbamwe ane gumi nemumwechete, 1 911, uye vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose, vave zviuru makumi mashanu nezvitanhatu zvine gumi nevana, 56
014, zvichitevera kubatwa kwevanhu chiuru chine mazana mashanu nemakumi mana, 1 540, nezuro wakare.
Kusvika nezuro, hurumende inoti vanhu vabaiwa nhomba yekutanga yeCovid-19 vave zviuru mazana manomwe ane makumi mapfumbamwe nezvinomwe zvine zvine mazana manomwe negumi nevashanu, 797 715, uye vabaiwa nhomba dzose dziri mbiri vave zviuru mazana mashanu ane makumi masere nechimwe chete ine mazana manomwe ane makumi maviri nemumwe chete, 571 721.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhuta kubva muzana kuitira kuti chirwere ichi
chisarambe chichipararira munyika.
Facebook Forum