Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Iri Kushungurudza Zvizvarwa zveZimbabwe Pasi Pose


COVID-19 iri kunetsa pasi pose
COVID-19 iri kunetsa pasi pose

Chirwere che Covid-19 chiri kuvhiringa hupenyu hwezvizvarwa zve Zimbabwe zviri kunze kwenyika. Imwe nyanzvi munyaya dzehutano, Dr. Simbiso Ranga, vanoti kune zviuru nezviuru zvevanhu vekuZimbabwe vanoshanda mumabasa ezvehutano mu United Kingdom, Australia, Canada ne America uye vazhinji vavo vakabatwa nechirwere ichi. Dr Ranga vaudza Studio7 kuti Covid-19 inonyanya kurwadza mumhuri zhinji muZimbabwe nekuti dzakarasikirwa nehama dziri kunze kwenyika dzange dzichivabatsira.

Pazuva ranhasi, Zimbabwe ine vanhu vanoita zviuru zvinomwe, nemazana mashanu anemakumi mapfumbamwe nevasere (7,598) vakabatwa nechirwere ichi mu Zimbabwe uye vanhu vanoita mazana maviri nemakumi maviri nevana (224) vakafa nechirwere ichi.

Pasi pose, vanhu vanoita mamirioni makumi maviri nemapfumbamwe, anezviuri mazana matanhatu ane makumi manomwe nezvina, nemazana mana nemakumi masere nevasere (29, 674, 488) uye vafa nechirwere ichi vachiita zviuri mazana mapfumbamwe ane makumi matatu nezvinomwe, zvine makumi maviri nevana (937, 204).

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG