Rimwe sangano revarimi, reZimbabwe Commercial Farmers’ Union, rinoti rinotambira nemufaro danho rehurumende rekubatsira varimi vedunhu reChiredzi kuti vakwanise kutenga chikafu chezvipfuyo zvayo nemutengo uri pasi.
Asi sangano iri rinoti rubatsiro urwu rwunogona kunge rwakanonoka kuwanikwa.
Mutungamiri wesangano iri, VaWonder Chabikwa, vanoti mombe dzakawanda mudunhu iri nemamwe matunhu emunyika dziri kutofa nenyaya yekushaiwa chikafu.
Vanotiwo havasi varimi vose vachakwanisa kutenga chikafu ichi, kunyange hazvo chave kuwanikwa nemutengo uri pasi.
Bepanhau reHerald rinoti hurumende yakabatana nesangano re Food and Agriculture Organisation mukuwanira varimi ava mazana mana nemakumi mashanu ematani echikafu chemombe.
Chikafu ichi chinonzi chinenge chichitengeserwa varimi nemutengo uri pasi wemadhora masere kubva pamadhora gumi nemana emuzvitoro.
VaChabikwa vanotiwo mvura yakatanga kunayawo svondo rino mumatunhu akawanda enyika, izvo zvinogona kumutsa mbesa dzanga dzave kusvava, pamwe nekuti varimi vakwanise kudyara mbesa dzinokasika kuibva dzakaita semapfunde, zviyo nedzimwe