Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Makumi Manomwe neManomwe Anodzingwa Basa


Doctors Strike In Harare
Doctors Strike In Harare

Hurumende inoti yadzinga madhokotera makumi manomwe nemanomwe zvichitevera kuwanikwa aine mhosva yekuzvidza mutongo wedare re Labor Court wekuti vadzokere kumabasa avo, pamwe nekusamira pamberi pekomiti inoranga vatadza pabasa.

Mugwaro raburitswa neHealth Services Board, hurumende inoti vadzingwa basa vamwe vevana chiremba ava kubva pamadhokotera makumi masere akanzi amiswe pamberi pekomiti inoranga vanokanganisa pabasa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kusangano reZimbabwe Hospital Doctors Association kuti rinotambira seyi danho ratorwa nehurumende iri.

Asi sachigaro we Health Services Baord, Dr. Paulinas Sikosana, vati ichokwadi kuti vana chiremba ava vadzingwa basa zviri pamutemo sezvo vasina kutevedzera zvavanga vachitarisirwa kuitwa pose panenge pachinzwikwa nyaya dzakadai.

Dr. Sikosana vatiwo hurumende ine madhokotera chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemumwe ari muPublic Service, uye vanachiremba vari kuramwa mabasa vanosvika mazana mana.

Vatiwo komiti inoranga vanokanganisa vari pabasa iri kuenderera mberi nekutonga vanachiremba ava, uye vanotadza kumira pamberi pekomiti ye Disciplinary Committee, vanotongwa vasipo.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Tawanda Zvakada, vakaudza Studio7 svondo rapera kuti kana hurumende ichida vanachiremba ava, inofanirwa kuvapa mihoro inoita kuti vararamewo hupenyu hwakanaka.

Vakatiwo kana pasina mari nhengo dzesangano ravo hadzisi kuzodzokera kubasa.

Vanachiremba vakatanga kuramwa mabasa musi wa 3 Gunyana vachiti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvichemo zvavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG