Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoyambirwa Kutanga Yabhadhara Zvikwereti Zvayo Zvose Kuti Ibatsirwe


Mumiriri weFrance muZimbabwe, VaLaurent Delahousse, vanoti Zimbabwe haikwanisI kuwana rubatsiro hwemari yezvirongwa zvekuderedza hukasha hwekusanduka kwemairiro ekunze kana kuti Climate Change kudzamara yabhadhara zvikwereti zvayo

Mumiriri weFrance muZimbabwe, VaLaurent Delahousse, vanoti Zimbabwe haikwanisI kuwana rubatsiro hwemari yezvirongwa zvekuderedza hukasha hwekusanduka kwemairiro ekunze kana kuti Climate Change kudzamara yabhadhara zvikwereti zvayo kunyika dzekuEurope kana kuti Paris Club pamwe nemasangano akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura pamusangano wemachechiwekuzeya zvisungo zvakabuda pamusangano wekuongorora masandukiro ari kuita kunze pamwe nematambidziko ari kukonzerwa neizvi weCOP21 uyo wakaitwa kuFrance mwedzi wapera, VaDelahousse vanoti nyika idzi pamwe nemasangano akaita seIMF neWorld Bank ane mari yezvirongwa zveClimate Change, asi Zimbabwe inofanira kutanga yagadzirisa hukama hwayo nemasangano aya nenyika idzi kuti ikwanise kuwana rubatsiro.

Vati Zimbabwe yakaita zvakanaka kupinda mumusangano weCOP21. Vati Zimbabwe yakakomborerwa chose nekuti mutungamiriri wayo,VaRobert Mugabe, vanonzwisisa nyaya yeClimate Change zvakanyanya.

Vatiwo Zimbabwe iri kuita zvakanaka nekuedza kubhadhara zvikereti zvayo vachiti izvi zvinoibatsira kuti iwane rubatsiro rwemari kubva kunze.

Vakasanobata chinzvimbio chemunyori mukuru werimwe remasangano anomirira vedzisvondo muZimbabwe, reZimbabwe Council of Churches, VaGabriel Manyangadze,vaudza Studio 7 kuti havana kufara nemashoko aVaDelahousse.

Kusanduka kwemariro ekunze kwakonzera nzara yakanyaya munyika zvekuti mamiririyoni nemamiriyoni evanhu akatarisana nenzara uye vanhu vave kurasikirwa nezvipfuwo zvavo sezvo zvave kushaya mafuro nekusanaya kwemvura.

Vakadomwa kuve munyarikani anoremekedzwa panyaya dzezvemamiriro ekunze kana kuti Green Ambassador, VaDerek Mpofu, vanotiwo nyika dziri kuomesera Zimbabwe ndidzo dzakanyanyokanganisa mamiriro ekunze nekudaro dzinofanira kusiyana nezvematongerwo enyika panyaya iyi.

Vamwewo vataura vakamirira varimi pachirongwa chanhasi zvakare vari sachigaro wesangano reClimate Support Trust, VaDidmas Machiri, vati vanhu vemuZimbabwe havafaniri kungomirira rubatsiro asiwo vanofanirawo kunge vaine mari yavo yekutsigira zvirongwa zvavo.

Vange vakamirira gurukota rinoona nezvezviwanikwa nemamiriro ekunze, Amai Oppah Muchinguri – Kashiri, Amai Veronica Jakarasi, vati pari zvino nyika haina homwe yekugadzirisa nyaya dzeClimate Change uye vanhu vakasununguka kuudza hurumende kuti vanoda kuti homwe iyi ivepo kuti ishande sei.

Musangano weCOP21 wakabuda nezvisungo zvakati kuti pamwe nekuumba homwe yeGreen Climate Fund asi nyika dzakabudirira dzakaramba kusaina chisungo chekuti dzibvise mari zviri pamutemo yekubatsira zvirongwa zveClimate Change munyika dzichiri kubudirira.

Nyika idzi dzichabvisa mari padzinodira.

XS
SM
MD
LG