Nyanzvi muzvirwere zvegomarara repamuromo wechiberoko dziri kururudzira madzimai kuti vaende kunowongororwa pagore rega rega kuitira kuti vawane rubatsiro chirwere ichi chisati chapararira.
Komitiu yeparamende inoona nezvehutano yasangana neMuvhuro nenhengo dzebazi rezvehutano vakazeya zvingaitwe kuti huwandu hwemazimai vari kubatwa nechirwere ichi hwusarambe huchikwira.
Chirwere ichi chinonzi chiri kubata madzimai anodarika zviuru zviviri, chiuru nemazana manomwe vanonzi vari kushaya nechirwere ichi.
Mumwe wavana chiremba vemunyika, Doctor Annete Moyo, vanoti zvakakosha kuti madzimai vaende kunovhenekwa pachiri nenguva kuitira kuti vawane rubatsiro nechimbi chimbi.
"Dambudziko ratiri kuwona nderekuti madzimai mazhinji vanozouya kuna vana chiremba gomarara repamuromo wechibereko iri rakomba izvo zvinozoita kuti rinetse kurapika,"Dr Moyo vaudza Studio7.
Dr Moyo vanokurudzirawo vabereki kuti vabvumidze vana vavo vechisakana vadiki kuti vawanikwe vachibaiwa nhomba ye HPV kuitira kuti vadzivirirwe kubva kugomarara iri.
"Vanasikana vari kukurumidza kuenda pabonde mazuva ano zvekuti unowona mwana ane makore gumi nemaviri ava kutoziva murume zvinoreva kuti vabereki vanofanirwa kudzivirira vana ava vachiri vadiki kuti vasazobatwa ne HPV inozokonzera gomarara remuromo wechibereko mune ramangwana," Dr Moyo vaudza Studio7.
Mune imwe nyaya yezvehutano, University of Zimbabwe yakabatana ne University of California - San Francisco muchirongwa chekuparura zvakabuda muongororo yekurwisa HIV/AIDS mumadzimai.
Izvi zviri kuitwa pamusangano wezvirwere zvinotapuriranwa watanga mu Boston neMuvhuro.
Ongororo iyi ichatarisa kuti mushonga we daprivine, unoshandiswa pakurwisa HIV/AIDS ungashande here uri pa ring rinopfekwa kunhengo yemunhukadzi.