Hurumende yazivisa kuti mapurisa achanga ari mumigwagwa aine chinangwa chekudzivirira tsaona.
Izvi zviri kutanga svondo rinouya.
Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza, vanoti mapurisa achange achibatsirana nesangano reTraffic Safety Council pamwe nebazi re Vehicle Inspection Department mukuedza kuderedza tsaona mumigwagwa zvikuru panguva ino yezororo rekisimisi negoredzva.
Sangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe,TSCZ, rinoti vanhu vave nenguva vachikuridzira kuti mapurisa adzoke mumigwagwa kuti tsaona dziite shoma.
“Chaita kuti vakurumidze kudzora mapurisa mumigwagwa ndechokuti vanhu vachema chema netsaona dzirikuitika idzi,” Mutauriri weTSCZ, VaTatenda Chinoda, vaudza Studio 7. “Tine matsamba nemafoni akawanda anobva kuvanhu vachikumbira kuti mapurisa emumigwagwa adzoke nekuti tsaona dzirikuramba dzichiitika.”
Mapurisa akange ambomiswa kuisa ma roadblocks mumigwagwa achipomerwa mhosva yekuita zveuori.
Asi mushure mokugadzwa kwa VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika, mapurisa anonzi akagadziridzwa, achirongerwa kuita zvinhu nenzira itsva.
VaChinoda vanoti mapurisa acharamba arimumigwagwa kwenguva yakareba.
Facebook Forum