Accessibility links

Breaking News

Mabhazi Matsva Mazana Matatu Otanga Kutakura Vanhu


President Emmerson Mnangagwa Commissions Zupco Buses 3
President Emmerson Mnangagwa Commissions Zupco Buses 3

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaparura neChipiri mabhazi mazana matatu matsva ekambani yeZUPCO ayo vati acharerutsa kufamba kwevanhu mumadhorobha nemaruva pamwe nekupedza chitsotsi chiri kuitwa nevanotakura vanhu.

VaMnangagwa vati mabhazi aya ndemamwe emabhazi mazana matatu akatengwa nehurumende kuChina neSouth Africa yakamirira kuti mabhazi mazana mashanu akatengwakuBelarus asvike munyika.

VaMnangagwa vati vakatenga mabhazi aya mushure mekuona kuti mabhazi avakatenga kuBelarus achanonoka kuuya.

Vati mabhazi aya achatakura vanhu kumaruwa nemadhorobha pasi pechirongwa chehurumende chekuona kuti vanhu vafamba zvakanaka nemitengo iri pasi vasingashungurudzwe.

Vati pane hurongwa hwekuti vanhu havachatenga matiketi ekukwira mabhazi zuva nezuva, uye vanenge vave kutenga matikiti pasvondo izvo zvionita kuti vasashungurudzwe nemahwindi.

Vatiwo chitsotsi chaiitwa nevachairi chekutengesa dhiziri kana kufamba nenzira dzisingabvumidzwe chichapedzwa nehurongwa hutsva uhwu.

Zvichitevera kukwira kwemari dzemabhazi muNdira gore rino, kambani yeZUPCO yakatanga kutakura vanhu mumadhorobha ichishandisa mabhazi emamwe makambami muchirongwa chakafarirwa neveruzhinji zvakanyanya.

Pari zvino ZUPCO ine mabhazi anodarika mazana maviri uye kuuya kwemabhazi matsva aya kunotarisirwa kugadzirisa zvinhu munyaya dzekutakurwa kwevanhu mumadhorobha.

Mune imwewo nyaya, sangano reNational Association of Youth Organisations kana kuti NAYO rinoti harisi kufara nenyaya yekuti hurumende iri kuramba ichimbunyikidza masangano anoshanda akazvimirira munyika richiti iri kurishayisa mukana wekuita basa ravo pachena.

Vanoona nekufambiswa kwezvirongwa muNAYO, VaMacdonald Munyoro, vati hurumende inofanira kuvandudza mitemo yakaita sePublic Order and Security Act nekukasika vachiti ndiyo inoshandiswa nemapurisa kuvambunyikidza.

Vati munguva pfupi yapfuura masangano mazhinji anoshanda akazvimirira akaita seCOTRAD yekuMasvingo akavhiringidzwa nehurumende uye vechidiki vakarambidzwa kuratidzira pamwe nekuti vaendese gwaro ravo renyunyuto kuparamende izvo vati hazvifanira kuitika munyika yakasununguka.

Vati zvakakosha kuti hurumende itevedze bumbiro remitemo yenyika iro rinopa vanhu mvumo yekuratidzira pese pavanodira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG