Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoita Musangano neMasangano Akazvimirira kuMasvingo


Masvingo provincial development coordinator, Jeffter Sakupwanya
Masvingo provincial development coordinator, Jeffter Sakupwanya

Hurumende yaudza masangano akazvimirira oga muMasvingo kuti haina chinangwa chekuvhara masangano aya asi kuti inoda kugadzirisa hukama hwayo nemasangano aya kuitira kuti munyika muve nebudiriro.

Vachitaura nhasi pamusangano wapindwa nemasangano ose akazvimiririra anoshandira mudunhu reMasvingo, Provincial Development Coordinator veMasvingo, Dr Jeffter Sakupwanya, vati hurumende haina chinangwa chekuvhara masangano aya asi kuti inoda kuti ishande nawo zvakanaka pasina kufungirana.

Vati musangano uyu waitirwa kuti vapedze runyerekupe rwekuti hurumende iri kurwisa masangano aya ichiapomera mhosva yekuita zvisina maturo uye zviri kunze kwemitemo.

VaSakupwanya vaendere mberi vachiti masangano aya anofanira kuita basa rawo zvakanaka achitevedzera mitemo yenyika uye achinyorerana
matsamba ekuwirirana nemapazi ehurumende munzvimbo dzaanoshandira.

Vati masangano aya haafaniri kupindira mune zvematongerwo enyika asi kudzidzisa vanhu kodzero dzavo.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutevederi wasachigaro wemasangano
akazvimiririra munyika, reNANGO, muMasvingo, Amai Joyce Mhungu,
vataurawo nhuna dzavo vakaudza hurumende kuti isanyanyopindira
mumashandiro avo sezvo vane basa rekuva ziso revanhu pamabasa ose anioitwa nehurumende munyika.

Amai Mhungu vaudza hurumende kuti masangano anoita nezvekodzero dzevanhu, kuitwa kwesarudzo pachena, pamwe nezvehutongi hwejekerere ndiwo ari kufungirwa nehurmende kuti anoita zvematongerwo enyika asi masangano aya achiita basa rawo zviri pmutemo.

Mukuru wemabasa musangano rinorwira kodzero dzevechidiki, re My Age
Zimbabwe, VaOnward Chironda, vati vatambira zvabuda mumusangano uyu vachiti vachashanda nehurumende kuunza budiriro.

Musangano uyu wapindwa nana mudzviti vose vematunhu manomwe eMasvingo pamwe nemapzi ehurumende akasiyana siyana nevasori.

Musangano uyu waitwa panguva iyo masangano akawanda ari kuchema chema kuti hurumende iri kuda kuisa mitemo inoomesera mashandiro awo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG