Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Ndiyo Iri Kutungamira Mukutyorwa kweKodzero dzeVanhu


A policeman stands guard as some of the people arrested during demonstrations over the hike in fuel prices, make their court appearance at the magistrates courts in Harare, Zimbabwe, Wednesday, Jan,16, 2019.
A policeman stands guard as some of the people arrested during demonstrations over the hike in fuel prices, make their court appearance at the magistrates courts in Harare, Zimbabwe, Wednesday, Jan,16, 2019.

Sangano remubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika, reZimbabwe Human Rights NGO Forum, rinoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika kuri kunyanya kuitwa nehurumende.

Pakodzero dzakatyorwa mugore rakaongororwa iri, Zimbabwe Human Rights NGO Forum inoti zvikamu makumi manomwe nezviviri kubva muzana zvekodzero idzi, zvakatyorwa nemapazi aehurumende anosanganisira mapurisa, mauto nevasori.

Vachitaura mushure mekuparura gwaro ravo rinonzi “ State of Human Rights Report Zimbabwe 2018,” chipangamazano muZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaDzikamai Bere, vati mumwaka uyu mapaziehurumende ndiwo akanyanyotyora kodzero dzeveruzhinji.

VaBere vatiwo kuremekedza kodzero zvinoda kuti hurumende izvipire mukuchengetedza kodzero dzeveruzhinji.

VaBere vati kodzero yakanya kutyorwa gore rapera ikodzero yekuungana kwevanhu vakasununguka. Vatiwo vanhu vakafa apo vaiita zvinhu zvinobvumidzwa nebumbiro remitemo yenyika.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Amai Blessing Gorejena, vatiwo kutyorwa kwekodzero munyika kwawanda zvakanyanya kupfuura makore mashoma apfuura.

Amai Gorejena vatiwo kuti Zimbabwe ibudirire mukuchengetedza kodzero dzevanhu, hurumende inofanirwa kuona kuti yaremekedza kodzero dzemunhu wese pasina kutarisa kuti abuda mumba maani.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende paongororo yeZimbabwe Human Rights NGO Forum iyi.

Asi mumwe wechidiki mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati kunyange hazvo vanhu vane kodzero munyika, kodzero idzi hadzifanirwi kukanganisa mafambiro ebasa munyika. VaMugwadi vati magwaro anoburitswa aya haana mature ose.

Zimbabwe Human Rights NGO Forum inotiwo hurumende inofanirwa kuumba hwaro hwenhaurirano nezvizvarwa zvese zvenyika; kuona kuti bumbiro remitemo yenyika yaremekedzwa; kugadzirisa mitemo inotyora bumbiro remitemo yenyika; kuona kuti vese vanokanganisira vamwe vamiswa pamberi pematare vachitongwa nemhosva dzavanenge vapara, uye kusimbaradza dzidziso muvanhu pamusoro pekodzero dzavo.

Masangano anorwira kodzero pamwe nemamwe mapato anopikisa akapomera hurumende mhosva yekusaremekedza kodzero yehupenyu pakapfurwa vanhu nemasoja muna 2018 mushure mesarudzo izvi zvakaitika zvakare muna Ndira gore rino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG