Gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, vanoti hurumende iri kuongorora nyaya iri kubuda padandemutande yekuti pane vanhu vari kutengesa mombe dzine zvirwere kana nyama kubva kumombe dzakafa dzega vachiti vanoziva kwazviri kuitika vanofanira kumhan'ara nyaya iyi.
Vachitaura mushure memusangano wedare remakurukota, VaShiri vati hazvibatalsiri kuti vanhu vangotaura vasingauye nehumbowo.
Vati bazi ravo rine vashandi vatatu muWard yega yega munyika, uye hapana humbowo hunotsigira zviri kutaurwa pamadandemutande.
Asi vati bazi ravo nebazi rezvehutano vaakuongororora zvitoro zvese zvinotengesa nyama kuti vaone kuti mutemo uri kutevedzwa here.
Vati bazi ravo reVeterinary Sevices ndiro rinoongorora mombe dzisati dzaurayiwa kuenda kumabhucha. Vatiwo nekuda kwezvirwere zviriko, bazi ravo ramisa kufamba kwemombe kubva munzvimbo dzine zvirwere.
VaShiri vabvuma kuti kune zvirwere zviri kuuraya mombe zvakaita seAnthrax neFoot and Mouth asi vakati vari kutora matanho kurapa mombe dzine zvirwere izvi.
VaShiri vati hurumende ine hurongwa hwekurapa mombe kana kudzivirira mombe zviuru mazana matanhatu nyika yese uye kusvika pari zvino varapa mombe dzinodarika zviuru zana nemakumi mashanu.
Vakururudzirawo varimi neveruzhinji kuti vadhibhise mombe dzavo kamwe pasvondo kuti vadzivirira zvirwere izvi.
Facebook Forum