Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inomisa Chirongwa Chekupa Vadzidzi Zvitupa neNyaya yeCovid-19


Vadzidzi vari kutarisirwa kunyora bvunzo gore rino vakanga vapiwa mukana wekuti vatore zvitupa asi hurumende yakazvivhara ichityira kupararira kweCovid-19.
Vadzidzi vari kutarisirwa kunyora bvunzo gore rino vakanga vapiwa mukana wekuti vatore zvitupa asi hurumende yakazvivhara ichityira kupararira kweCovid-19.

Kunyange hazvo hurumende yakamisa neMugovera chirongwa chekuti vana vanoda kunyora bvunzo dzeOrdinary neAdvanced Level vatore zvitupa nekuda kwekutyira kupararira kweCovid-19, nyanzvi munyaya dzedzidzo dzinoti zvakakosha kuti chirongwa ichi chienderere mberi kuitira kuti pasaita nhubu dzinonyorera vamwe mazamanishoni.

Hurumende yainge yaisa parutivi zuro nanhasi semazuva maviri ekuti vaya vanoda kunyora bvunzo gore rino vatore zvitupa, asi yakazomisa chirongwa ichi chave pakati nezuro masikati yave kutyira kuti denda reCovid-19 ringapararire zvakanyanya mushure mekunge vanhu vabuda zvine mutsindo.

Bazi rezvemukati menyika pamwe nevakafanobata chigaro chaRegistrar-General, VaHenry Machiri, vakazivisa nezuro kuti vakamisa chirongwa ichi mushure mekunge vanhu vakawandisa vaenda kumahofisi avo kunotorerwa zvitupa.

Mapurisa akatozoshevedzwa kuzochengetedza runyararo uye vamwe vakanga vatorara pamahofisi aRegistrar General aya vachida zvitupa.

Mumwe mudzidzi wepane chimwe chikoro muHarare, Chipo Zhou, uyo akamukira pamahofisi aRegistrar-General ari paMachipisa mumusha weHigfiled muHarare, audza Studio 7 kuti akawana paine vanhu vaidarirka chiuru vakanga vave mumutseste nechakare uye akazobva asina kutora chitupa mushure mekuudzwa kuti chirongwa ichi chaitirwa vaye vanodzidza muzvikoro zvakazvimirira kana kuti private colleges.

Mumwe murairiridzi wepane chimwe chikoro mumusha weGlen View uyo aramba kudzomwa nezita, audza Studio 7 kuti ichokwadi kuti chirongwa ichi chinobata vana vanodzidza kuma private collegel.

Ati vanhu vari muzvikoro zvehurumende, makunzuru kana zvemakereke havadi zvitupa kuti vanyore bvunzo.

Murairidzi uyu atiwo vana vakawanda vaida zvitupa nekuti vanodzidza muzvikoro zvakazvimirira kana kuti zvisina kunyoreswa nehurumende uye zvisingabvumidzwe kunyoresa bvunzo.

Nyanzvi munyaya dzedzidzo uye vari mutungamiriri wesangano rinomirira varairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanoda kunyora bvunzo vasingadzidzi muzvikoro vatore zvitupa vachiti izvi zvinodzivirira hutsotsi nechikiribidi pabvunzo.

Doctor Zhou, vaudza Studio 7 kuti zvinosuwisa kuti vanhu vanotambura kutora zvitupa munyika vachiti hapafaniri kuitwa zvematongerwo enyika pakutora zvitupa.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti ichokwadi kuti vaya vasiri muzvikoro zvakanyoreswa kana kuti vari kudzidza kuma Non-Formal school, kana kuti vanganzi External Candidates, ndivo chete vanosungirwa kunge vaine zvitupa pabvunzo, kwete vanodzidza musvikoro zviri pasi pehurumende, makanzuru kana mamishoni.

Zimbabwe Schools Examinations Council yakazivisa mwedzi wapera kuti vanoda kunyora bvunzo vanofanira kunge vabhadhara mari dzebvunzo musi wa9 Chikunguru uye vano nonoka vanofanira kubhadhara mari iyi musi wa30 Chikungururu.

Doctor Zhou vaudza Studio 7 kuti vasina kukwanisa kutora zvitupa nezuro vachinenguva yekutora zvitupa izvi sezvo pachine nguva pazonosvika 30 Chikunguru.

Vatiwo Covid-19 inogona kukanganisa kunyorwa kwebvunzo idzi uye semaonero avo, gore rino vana vachafoira zvakanyanya sezvo vasina nguva yekudzidza yakakwana uye varairidzi vasiri kudzidzisa nekuti havasi kufara nemihoro yavanotambira.

Hurumende yakambomisa kuvhurwa kwezvikoro nekuti Covid-19 iri kupararira zvakanyanya.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG