Magweta nemasangano anomirira vatori venhau munyika anoti hurumende inofanirwa kuteerera zvichemo zvevanhu apo inogadzira mitemo sezvo mimwe mitemo iri kudzikwa iri kuomesera vatori venhau isingarerutse basa ravo.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu nevatapi venhau, VaChris Mhike, vaudza musangano wekupera kwegore unoitwa nemasangano anomirira vatapi venhau pasi pesangano reMedia Alliance of Zimbabwe (MAZ), kuti vatori venhau vakwanda munyika vari kutadza kushanda zvakanaka sezvo vachiri kumbunyikidzwa nevane masimba munyika.
Vati chinosuwisa ndechekuti izvi zvinoramba zvichiitika kunyange hazvo hurumende yakabvisa mitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act iyo yaishandiswa kumbunyikidzwa vatapi venhau.
VaMhike vatiwo zviri kubuda mutsvakiridzo yavari kuita zvinoratidza kuti vatori venhau neveruzhinji vari kuda kuti mitemo mitsva yakaita seFreedom of Information Act neZimbabwe Media Commission Act ikwenenzverwe.
VaMhike vatiwo pachine mitemo yakwanda iri kushandiswa kumbunyikidza vatori venhau.
Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vaudzawo musangano uyu kuti hurumende inofanira kuterera zvichemo zvevanhu vachiti hazvibatsiri kuti hurumende ienderere mberi nekuumba mitemo yekaita sePatriotic Act nePrivate Voluntary Organisation Amendment Act sezvo zviri pachena kuti mitemo iyi haisi kudiwa neveruzhinji.
Vatiwo mitemo iyi ichakanganisa zvikuru mashandiro evatori venhau nemasangano anoshanda akazvimirira.
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa muMAZ, VaNigel Nyamutumbu,vatiwo mumwe mutemo wavasingafare nawo mutemo wakasainwa nemutungamiriri wenyika svondo rapfuura weData Protection Act vachiti ndemimwe yemitemo inokanganisa mashandiro avo.
Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, vaudzawo musangano uyu kuti havana zvavangataura pamusoro peData Protection Act sezvo watove mutemo vachiti vanhu vangadai vakataura nhunha dzavo paiumbwa mutemo uyu.
Vatiwo hurumende yaVaMnangagwa inoteerera zvichemo zvevanhu vakati izvi zvinoratidzwa nekushanda kwayakaita nemasangano ari muMAZ pakuumba mitemo yakaita seFreedom of Information Act pamwe neZimbabwe Media Commission Act.
Vatiwo MAZ haifaniri kugara ichingochema chema kuita sekuti hapana zviri kuitwa nehurumende vachiti kubvira papinda hurumende yavo panyanga yakavhura masaisai ematerevhizheni nemaredhiyo vachiti vamwe vacho vakapihwa marezenisi vari kutadza kuenda pamhepo.
Vati pamakambani matanhatu akapihwa marezenisi eterevhizheni, maviri chete ndiwo achakwanisa kuenda pamhepo uye vachatorera mamwe mana avasina kudoma nemazita marezenisi.
Mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe Media Commission, VaJasper Maphosa, vaudzawo musangano uyu kuti vakapa marezenisi zana nemakumi manomwe nemasereekudhinda mapenhau nenziradzakasiyana siyana asi makambani mazhinji ari kutadza kutanga basa nekuda kwekushaya mari.
Vati izvi zvinotaridza pachena kuti makambani aya anoda rutsigiro rwemari.
Asi VaMhike vati makambani aya haafaniri kutorerwa marezenisi asi kuti anofanira kutsigirwa nemari nehurumende.
Mutemo haubvimidze makambani ekutapa kana kutepfunyura nhau kuti atsvage mari kunze kwenyika uye MAZ inoti mutemo unofanira kurerutswa kuitira kuti izvi zvikwanise kuitika.
Inotiwo kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika kunobatawo makambani enhau.
Facebook Forum