Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Vanoda Kutaura neHurumende


Celia Alexander - Apex Council Chairperson
Celia Alexander - Apex Council Chairperson

Vashandi vehurumende nhasi vanyorera hurumende vachiratidza kusafara nekunonoka kwairi kuita kusheveredzera musangano weNational Joint Negotiating Council.

Musangano uyu ndewekuzeya nyaya yemari yavanotambirisirwa nezvimwe zvinobata raramo yavo panguva iyo vashandi ava vari kugunun’una kuti mari yavo yemihoro haisisina chainokwana.

Mutsamba yavasvitsa kuhofisi yegurukota revashandi,VaPaul Mavhima, pamwe negurukota rezvemari VaMthuli Ncube, nasachigaro wePublic Service Commission, VaVincent Hungwe, mutungamiri wesangano rinomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, Amai Cecelia Alexander, vati sangano ravo harisi kufara nekunonoka kuri kuita hurumende kushevedzera musangano weNJNC kuti vapedzise nhaurirano dzavakasiira panzira musi waNdira 14 pasina chisungo chakabuda pamusangano uyu.

Amai Alexander vatiwo havasi kufara kuti mushandi wehurumende ari kutambira mari iri pasi ari kupihwa mari inoita madhora zviuru gumi nezvisere iri maRTGS asi mhuri imwe chete ichida zviuru makumi manomwe nezvipfumbamwe zvemadhora ari maRTGS pamwedzi kuti ikwanise kurarama.

Izvi zvatshinhirwa nemurongi wemisangano musangano reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaCharles Chinosengwa.

VaChinosengwa vati musangano wavakaita mavhiki maviri adarika hauna chawakabuda nacho kunyange hurumende nevashandi vayo vakabvumirana kuti mari iri kupihwa vashandi ishoma zvikuru zvekuti vashandi vehurumende vave kudya nhoko dzezvironda.

VaChinosengwa vati izvi zvinogona kukonzera kusagadzikana munyika.

Asi mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati hapana zvizhinji zvavari kutarisira kubva kumusangano weNJNC kunyange ukaitwa sezvo vachiti hurumende haina kuzvipira kugadzirisa matambudziko akatarisana nevashandi vayo.

Mutevedzeri wegurukota rezveshandi, VaLovemore Matuke, vati vanga vakabatikana vakati titaure naVaMavhima avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kusvikira tiende pamhepo.

VaHungwe vati titaure nemunyori wePublic Service Commission, VaJonathan Wutaunashe avo vanga vasati vapindurawo mibvunzo yatavatumira.

Zvichakadai, mamwe masangano evarairidzi akaita seARTUZ, Progressive Teachers Union of Zimbabwe pamwe neZimbabwe Teachers Association anotiwo nhengo dzawo dzinogona kutadza kuenda kubasa pachavhurwa zvikoro svondo rinouya sezvo achiti nhengo dzawo hadzisi kufara nemari yadziri kutambiriswa nehurumende.

Masangano aya ari kukurudzira hurumende kuti ibhadhare vashande vayo mari inoita madhora mazana mashanu nemakumi mana iri mari yekuAmerica sezvo achiti mari yemuZimbabwe haisisina simba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG