Kanzuru yeguta reHarare inoti iri kuchinja mugwagwa we Willowvale Road kuti udaidzwe nezita rekuti Oliver Mtukudzi Road senzira yekuremekedza Mtukudzi uyo akashaya neChitatu chapfuura.
Mtukudzi ari kuvigwa kumusha kwake kuMadziwa neSvondo masikati.
Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti vakaona zvakakodzera kupa Mtukudzi ruremekedzo urwu.
VaGomba vanoti Mtukudzi munhu akasimudzira zita renyika munyika pamwe nekunze kwenyika, nokudaro anofanirwa kupihwa ruremekedzo.
Kunyange hazvo izvi zvava kubuda panguva iyi nyika nepasi rose riri kuchema kushaya kwaMtukudzi, VaGomba vati kanzuru yeguta ravo yakatora danho iri Mtukudzi achiri mupenyu, uye vachaita hurongwa hwekuparura zviri pamutemo zita idzva remugwagwa uyu
VaGomba vanotiwo vari kupa muimbi ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, ruremekedzo rwe Freedom of the City, izvo zvichaona kanzuru yeHarare ichimupawo nzvimbo yekuvakira imba yake.
"Mapfumo munhu ari kusimudza mureza wenyika kunze kwenyika uko ari kugara. Takabudawo nechisungo chekuti awanirwe nzvimbo yekuvaka imba yake kuitira kuti panoshanya muZimbabwe, anenge aine imba yake yekugara," vadaro VaGomba.
VaGomba vaudza Studio7 kuti kanzuru yeHarare icharemekedzawo mutambi wenhabvu akaita mukurumbira mukuru, George Shaya.
Vati vacharamba vachiremekedza vanhu vakaita mukurumbira munhabvu, asi pari zvino vatanga naShaya.
Facebook Forum