Accessibility links

Breaking News

Zvipatara Zvoomerwa Zvichitevera Kusaenda Kubasa kweVashandi Vazvo


Gore idzva ra 2016 ratanga zvakaipa vana chiremba navana mukoti vachitadza kuenda kubasa vachiti havana mari dzekufambisa dzinovakwanira kunyange hazvo hurumende yakanga yati ichavapa madhora maviri pamunhu pazuva semari yekufambisa.

Mutungamiri wesangano ravana chiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Fortune Nyamande, vanoti kunyange hazvo vachiri kuunganidza mashoko kubva kumativi ose enyika, zvavawana kusvika pari zvino zvinoratidza kuti vana chiremba navana mukoti vari pakati pezvikamu makumi matanhatu nemakumi manomwe kubva muzana havana kukwanisa kuenda kumabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi Dr Nyamande vanoti sevashandi vane hupenyu hwevanhu pamwoyo, varongawo kuti dzimwe nhengo dzavo dzinoshandira munzvimbo dzakakosha dzinge dziri pamabasa panguva iyo vazhinji vavo vari kudzimba.

Vanoti chipatara cheHarare kudivi rekunosunungukira madzimai akazvitakura, ndechimwe chezvipatara zvakasika kuwirwa nedambudziko rekushaiwa vana mukoti.

Hurumende yakakundikana kupa vashandi vayo mari dzavo dzemihoro paine nguva izvo zvoita kuti vashaye mari dzekuendesa kumabasa.

Mukuedza kurerutsa ndima, munyori mubazi rezvehutano, Dr Gerald Gwinji, vakazivisa kuti zvipatara zvinofanirwa kuwanira vana mukoti navana chiremba mari dzekufambisa kusvika vatambira mari dzavo musi wa 5 Ndira.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende pakusaenda kwaitwa kumabasa navana chiremba nevana mukoti.

XS
SM
MD
LG