Mabiko ekupemberera kusvitsa kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, makore makumi mapfumbamwe nemaviri ekuberekwa oitirwa kuGreat Zimbabwe mangwana veruzhinji vachichema nenzara…..
Bato reMDC-T roshora danho raVaMugabe rekupa African Union mombe mazana matatu panguva iyo nyika yakatarisana nenzara inotyisa…..
Vanoona nezvekutongwa kwedzimhosva munyika vanoti muchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, havachakodzeri kuramba vari pabasa ravo….
Chikwata che Highlanders chopemberera kusvitsa makore makumi mapfumbamwe muBarbourfields mangwana….
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa mabiko ebhavhadhe raVaMugabe mangwana apo veruzhinji vasina chikafu munyika….
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.