Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau DzanhasI Muvhuro, Kukadzi, 15, 2016.


Vaimbova sachigaro weZanu-PF kuMashonaland West VaThemba Mliswa vanoti kunetsana muZanu-PF kwopa kuti nyika irambe ichitambura.

Mapurisa oongorora nyaya yekuti pane ndege yainge iine chitunhuna uye mamiriyoni nemariyoni emarands yakamhara paHarare International Airport nemusi weSvondo.

Kambani yeGlobal Airlines muFlorida kuAmerica yaudza Studio 7 kuti iri mumusangano wekuzeya nyaya yekuti ndege yayo yainge iine chitunha.

Muchirongwa chedu chehutano tichange tichitarisa matambudziko anotarisana nevanorarama nehusope.

Mapurisa oshorwa nekurova madzimai airatidzira paZuva reValentine’s Day.

Vatsigiri venhabvu vofarira kukunda kwakaita chikwata cheChicken Inn chikwata chepamusoro soro chekuSouth Africa cheMamelodi Sundowns mumakwikei ekutanga eCAF Club champions

Muchirongwa cheLivetalk-na 8.30 pm riri kutarisa nyaya iri kupomerwa mapurisa yekutyora kodzero dzevanhu.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro Kukadzi 15. 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG