Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Kukadzi 29, 2016


Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzanhasi Muvhuro, Kukadzi 29, 2016

Sangano rinokweretesa mari pasi rose reIntenational Monetary Fund rinoti Zimbabwe ichiri kure kuti itange kukwereteswa mari nesangano iri sezvo paine zvakawanda zvainofanirwa kutanga yagadzirisa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzozeya mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamabiko ebhavhadhe ravo kuMasvingo.

Sangano revadzidzi vemuzvikororo zvepamusoro soro roshora kushandiswa kwemabhazi ezvikoro izvi kutakura vanhu vachienda kumabiko aVaMugabe.

Chicken Inn inobuditswa mumakwikwi eCaf Champions League panguva imwe cheteyo Harare City inobudirira kuenderera mberi mumakwikwi eCaf Confederation Cup.

Muchirongwa cheLiveTalk tiri kutarisa zvakaitika kuMasvingo mukupera kwesvondo uko kwaive nemabiko ebhavhadhe raVaMugabe.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro Kukadzi 29, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG