Accessibility links

Breaking News

Chin’ono Anoremekedzwa neMubairo weGatefield People Journalism Prize for Africa


Mutori wenhau, Hopewell Chin'ono achitaura nevatori venhau muHarare
Mutori wenhau, Hopewell Chin'ono achitaura nevatori venhau muHarare

Mutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono, akapihwa mubairo weGatefield People Journalism Prize for Africa, pasi pechikamu chePeople Journalist of the Year 2020.

Chin’ono, uyo akaziviswa nezvemubayiro uyu nezuro, ari kuremekedzwa nepamusana pebasa raakaita mukuburitsa huori huri kuitika muZimbabwe pakutengwa kwezvikwanisiro zvekushandisa munguva yekurwisa chirwere cheCovid-19.

Mutori wenhau wekuNigeria, David Hundeyin, akaremekedzwawo nemubayiro wechikamu che People Journalist for Informed Commentary. Hundeyin ari kuremekedza nepamusana pezvinyorwa zvake zvinobata kuvandudzwa kwebhiri remutemo unobata zvirwere zvinotapuriranwa, iro riri kuzeyiwa neparamende yemuNigeria munguva ino yekuvharwa kwenyika nepamusana peCovid-19.

Mubayiro weGreenfield People Journalism Prize for Africa, uyo wakatanga kupihwa vatori venhau vaviri; Kiki Mordi na Fisayo Soyombo muna 2020, unouya nemari inoita zviuru zvitatu zvemadhora ekuAmerica.

Nyaya dzehuori dzakaburitswa naChin’ono dzakaita kuti vaive gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vadzingwe basa.

Chin’ono audza Studio 7 kuti mubairo uyu unokurudzira vatori venhau kuti varambe vachiita basa rekufukumura zvakaipa zvinenge zvichiitika nekuti huori hunokanganisa hupenyu hwevana veZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG