Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Human Rights Commission Yoshora Mabharani Mukuru weHuumende


Mabharani mukuru wehurumende VaClemence Masango, vanoti havasi kufara kuti komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, yave kutora divi nekuvashora nevashandi vebazi ravo pamwe nekuvapomera mhosva yehuori isati yambonzwawo divi ravo.

Komisheni iyi iri kufamba ichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pekuwaniswa magwaro anosanganisira ekuzvarwa, zvitupa nemapasipoti

VaMasangano vatiwo zvimwe zviri kutaurwa zvave kutotyisidzira vashandi vebazi ravo uye vati vanoona sekuti pachinzvimbo chekuongorora zvizere nyaya iyi, komisheni iyi yave kutovaroverera pachipiyaniso isati yave nehumbowo hwekuti chii chiri kuita.

VaMasango avo vauuya nemunyori mubazi rezvemukati menyika, VaAaron Nhepera, vaudza komisheni iyi kuti vanogona kuramba kushanda nayo ikada kupindira zvakanyanya mumashandiro ebazi ravo.

Asi sachigaro vekomisheni iyi, VaElasto Mugwadi vavimbisa, VaMasango kuti vachaita basa ravo nemazvo uye zviri pachenawo kuti bazi ravo rinodawo zvikwanisiro kuti rikwanise kuita basa raro zvakanaka.

VaMasango vati nyaya yekushomeka kwemapasipoti munyika inyaya iri pachena uye inyaya yavagara vachitaura musi nenguva ivo pamwe negurukota rezvemukati menyika.

VaMugwadi vati chirongwa chavo icho chave nemwedzi chasvika pachinhanho chekupedzesira vasati vanyorwa gwaro iro vachatura kuparamende.

Zvichakadai VaNhepera pamwe naVaMasango vaudza komisheni iyi kuti vachapindura mibvunzo yavapihwa mukupera kwesvondo.

Ongororo yakaitwa neZimbabwe Human Rights Commission inoratidza kuti vanhu vakawanda mune dzimwe nzvimbo munyika vari kunetseka kuwana magwaro anosanganisira ekuzvarwa, ekufa nekufambisa.

Komisheni iyi inoti chinangwa cheongororo yayo ndeche kugadzirisa matambadziko akatarisana nevanhu mukuwana magwaro aya.

Ukowo VaMasango vanoti bazi ravo riri kuenda pese parinogona kuvhura mahosifi munzvimbo dzese kuti vanhu vasafambe zvimbo dzakareba kunotora magwaro avonoda.

Vanhu vanodarika mazana matatu ezviuru vanonzi vachiri vakamirira magwaro ekufambisa sezvo hofisi iyi ichiti haina mari yekunze yekutenga zvimwe zvinodiwa zvakaita semichina yakawanda uye bepa rinoshandiswa.

Vakawanda vataura neStudio 7 vanoti vanofumobata jongwe muromo kuenda kumahofisi aRegistra General kunotsvaga magwaro ekufambisa uye vamwe vavo vanoti kune chikiribidi chakawanda chinoitwa kuti munhu awane gwaro iri.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG