Vanorwira kodzero nevedzisvondo vanoti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kudzoka nechimbichimbi kuzogadzirisa zviri kunetsa sezvo vanhu vari kufa mukuratidzira kuri kuitika munyika.
Imwe nyanzvi munyaya dzekodzero, VaDzikamai Bere, vati matanho anga achitorwa naVaMnangagwa kubva zvavatora masimba muna Mbudzi 2017, anga asiri ekuvaka.
VaBere vati VaMnangagwa vanga vaine mukana wekubatanidza vana veZimbabwe asi vakati pari zvino vanhu vakatonyanya kuparadzaniswa.
VaBere vatiwo hurumende yaVaMnangagwa yatadza kuvandudza hupfumi sezvo vasingatsvaki rubatsiro kuruzhinji kuti zvii zvingaitwe kuitira kusimudzira nyika.
Mukuru wemubatanidzwa wemakereke, weZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancellimo Magaya, vaudzawo Studio7 kuti kusadzoka kwemutungamiri wenyika panguva iyo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo, kunoshoresa.
VaMagaya vati nenyonga nyonga iri munyika iyi, VaMnangagwa vangadai vadzoka kuzogadzirisa zvinhu.
VaMagaya vatiwo vemakereke vanofunga kuti nhaurirano munyika ndidzo chete dzingapedza zviri kunetsa munyika.
Mumwe mugari wemuHarare, VaBenjamin Masau, vashora zvikuru vashoma vadzokera kumabasa nemabhizimusi avhura.
VaMasau vati hupenyu hwevanhu hwakarasika panguva yekuratidzira iyi hunenge hwarasikira mahara kana vanhu vakadzokera kumabasa hurumende isati yagadzirisa dambudziko rekukwira kwemafuta edzimotokari.
Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti nyika inoda kuziva kuti ndiyani akaita kuti mauto apinde mumigwagwa nepfuti izvo zvakazoita kuti vanhu vanodarika makumi matanhatu vapfurwe, uye vanhu vanodarika gumi vachifa mushure mekupfurwa.
Pasi pemutemo, mutungamiri wenyika ndiye ane mvumo yekuudza mauto kuti apinde mumigwagwa achichengetedza runyararo.
Kana mutungamiri wenyika asipo, dare remakurukota rinogona kupa masimba aya kumutevedzeri wemutungamiri wenyika kuti audze mauto kuti apinde muvanhu achichengetedza runyararo.
Hapana kujeka kuti nyaya iyi yakafambiswa seyi sezvo VaMnangagwa vakanga vabuda munyika pakatanga kuratidzira, uye vane ruzivo nezvinoitika muhurumende vachitiwo hapana dare remakurukota rakagarwa nemusi weMuvhuro.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumnyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, sezvo nharembozha yavo yange ichinetsa kubata.Masoja nemapurisa vachiri mumigwagwa nemumisha inogara vaeruzhinji.
Facebook Forum