Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu rinoti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kutyorerwa kodzero dzazvo nekukundikana kwehurumende kuzviwanisa magwaro ekufambisa kana kuti masipoti nenguva inokodzera uye inotarisirwa nemunhu kuti ange awana gwaro rake.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti bumbiro remitemo yenyika rinopa kodzero kuvana veZimbabwe kuti vawane magwaro ekufambisa kana chero magwaro anokodzera kunge achiwanikwa nechizvarwa chenyika.
Izvi zvinotevera mashoko ekuti hurumende yave kukundikana kudhinda magwaro ekufambisa aya nekuda kwekushaya mari yekunze yekutenga bepa pamwe ne ink zvinodiwa mukugadzirwa kwemagwaro aya.
Vane ruzivo nezviri kuitika kumahofisi amabharani mukuru wenyika kana kuti Registrar-General vanoti pasipoti itsva yave kutora mwedzi inodarika makumi maviri isati yabuda, kuchitiwo kutora pasipoti yechimbichimbi kuchinzi kwave kutora mwedzi gumi nemisere kana kudarika.
VaMavhinga vanoti dambudziko iri rinofanirwa kugadziriswa nechimbichimbi sezvo paine vanhu vakawanda vari kunze kwenyika vanoda kumutsiridza magwaro avo, vakaita sevari muSouth Africa vanoda magwaro ekushanda nekugara munyika iyi.
Vanoti vamwe vari munyika vari kukanganiswa vanenge vachida kubuda munyika kuenda kunorapwa kunze kwenyika, kuenda kuzvikoro, kana kushanya chaiko.
Muna Kubvumbi gore rino gurukota rezvemukati menyika, VaCain Mathema, vakaudza vatori venhau kuti hofisi yaRegistrar-General yaive iine magwaro anodarika mazana maviri ezviuru akanga akamirira kudhindwa.
VaMathema vakati kana hofisi iyi ichishanda ine hudzamu hwekudhinda magwaro zviuru zvisere pazuva.
Facebook Forum