Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Inoti Mauto Ari Kurova Vanhu Zvakaipisisa


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reHuman Rights Watch, rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzekodzero dzevanhu zvichitevera kurohwa kuri kuitwa vanhu nemauto.

Kune kushungurudzwa kwevanhu kwakanyaya mushure mesarudzo dzakaitwa svondo rapera vanhu vachiti vari kurohwa nemasoja mudzimba dzavo pamwechete nemunzvimbo dzekutandara semumabhawa.

Vachibva kunoona varwere vakakuvadzwa mumhirizhonga, mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio7 kuti hurumende iri kushungurudza nekutsvaka vatungamiri vemapato anopikisa vakaita saVaTendai Biti nevamwe vavo mu MDC Alliance.

“Sesangano reHuman Rights Watch, zvatawana ndezvekuti mauto akapfeka mbatya dzebasa vakambambashira zvombo nepfuti vaingosvika pabhawa kana panzvimbo yekutandara votanga kurova vanhu; dzimwe nguva vachitaura kuti makavhota zvisiri izvo.

“Nezuro, motokari yaVaTendai Biti yakaridzirwa pfuti nevanhu vakange vari mumotokari isina manhamba vachitoda kuti vauraye VaBiti asi VaBiti vakange vasiri mumota iyi,” vadaro VaMavhinga.

Hurumende iri kuramba mashoko aya ichiti Havana kumboona kana kunzwa pamusoro pemauto ari kurova vanhu.

“Tinokuridzira hurumende yeZimbabwe kuti kana vachiti kune ‘new dispensation’ ngavaitewo saizvozvo vamise vanhu vanonzi vane pfuti vanofamba munharaunda vachitsvaka vanhu vezvematongerwo enyika,” VaMavhinga vaudza Studio7.

“Nemhaka yeiko nyaya idzi dzekurohwa nekupondwa kwevanhu dzangozotanga mushure mesarudzo?”

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vakaudza bepanhau reHerald kuti hurumende haina ruzivo rwekurohwa kuri kuitwa vanhu kuKuwadzana neku Dzivaresekwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG