Accessibility links

Breaking News

Musangano weVanhukadzi Unoitirwa muWashington DC


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose pamusangano wekuzeya zvinosangana nevanhukadzi muhupenyu.

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose pamusangano wekuzeya zvinosangana nevanhukadzi muhupenyu. Musangano uyu uri kuitirwa mu Washington DC.

Madzimai aya ari kukurukura nyaya dzinobata vanhukadzi pasi rose. Musangano uyu unoitwa kamwe chete mumakore maviri uchitarisa nyaya dzinobata vanhukadzi dzakaita sekuvasimudzira, kugara kwakanaka, nyaya yemishonga, kusununguka nezvimwe zvakadaro.

Musangano uyu uri kudaidzwa kunzi Women Deliver Conference.

Vanasikana vemu Zimbabwe vari kupindawo musangano uyu, uyo uri kutsvaga kuti mwanasikana wosimudzirwa seyi muhupenyu, kuitira kuti asamirire kukanganiswa nevarume vakuru vane mari. Musangano uyu uri kuda kuti mwanasikana azvisimudzire ega kuburikidza nekuva nedzidzo yepamusoro soro.

Muzvare Lifaqane Nare, vari kumirira International Federation for Journalists kuchamhembe kweAfrica, mumwe wemadzimai emuZimbabwe ari kupinda musangano uyu.

Muzvare Nare vanoti chikuru chiri kutaurwa mumusangano uyu nechekuti madzimai obatsirwa sei kuti asafa munguva yekusununguka. Vati mu Zimbabwe zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehutano, kunyange hazvo pava nehurumende yemubatanidzwa.


Muzvare Nare vati vari kutarisira kuti musangano uyu uchabuda nezvisungo zvichatevedzerwa kuitira kuti nyaya dzese dzemadzimai dzisimudzirwe.


Amai Melinda Gates, mudzimai wamuzvinabhizinesi wemuAmerica, Va Bill Gates, mumwe wemadzimai anosvika zviuru zvitatu vari kupinda musangano uyu.

Musangano uyu wakatanga neMuvhuro, uye unopera neChitatu. Nyika dzinodarika zana nemakumi mana dziri pamusangano uyu.

XS
SM
MD
LG