Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Votaura Matambudziko Avo Pamberi peWorld Press Freedom Day


Press Freedom Day
Press Freedom Day

Apo vatori venhau munyika vari kubatana nepasi rose nemusi weSvondo mukucherecheda zuva reWorld Press Freedom Day, vanoti kuita basa ravo vakasununguka kuri kuvanetsa zvikuru sezvo vari kusangana nezvimhingamupinyi zvakawanda munguva ino apo nyika yakavharwa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vamwe vatori vanoshanda vakazvimirira vanotiwo nenyaya yekuvharwa kwakaita zvinhu zvizhinji munyika, havasi kukwanisa kuita basa ravo nemazvo uye kurarama kwavo kuri kunetsa sezvo vachibhandarwa nekushanda kwavanenge vaita .

Muzvare Havineyi Mwanaka anoti kurarama kwake semutori wenhau akazvimirira kuri kunetsa sezvo vanhu vanosivapa nyaya vakavharirwa mmudzimba dzavo, ukuwo pasina zvinhu zvakawanda zviri kuitika munyaya dzenhau nekuda kweNational Lockdown.

Munyori musangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists muMasvingo, VaTatenda Chitagu, vanoti rimwe dambudziko riri kusangana nevatori venhau ndere kubudiswa kwemashoko panguva ino, uye kushaikwa kwezvipfeko zvekuzvidzvirira zvevatori venhau, izvo zviri kuita kuti vatye kubuda panze vachinoita basa ravo.

Vamwe vatori venhau vari kunyunyuta nekushungurudzwa kwavari kuitwa nemapurisa nemasoja vachibvunzwa matsamba ekufamba nawo, kunyange hazvo hurumende yakapa vatori venhau mvumo yekushandisa zvitupa zvavo zvebasa zvegore rapera.

Mutori wenhau webepa reTell Zimbabwe, Clayton Shereni, anoti mapurisa ari kutadzisa vatori venahu kuita basa ravo zvakanaka panguva ino izvo zvinotyora kodzero dzavo, uye kutadzisa kufamba kwemashoko zvakanaka sezvinodiwa pakucherechedza zuva re World Press Freedom day.

Sachigaro wesangango reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vanoti gore rino vanocherechedza zuva iri vachisuwa nenyaya ye corona-virus iyo iri kutadzisa vatori venhau
kuita nebasa ravo nemazvo mukuburitsa nyaya dzechirwere cheCovid-19 zvizere.

VaMaunganidze vanoti sangano ravo rakaendesa mapurisa kumatare edzimhosva ayo akapa mutongo wekuti mapurisa nemasoja asashungurudze vatori venhau apo vanenge vachiita basa ravo.

Mudunhu reMasvingo vatori venhau vana vakashungurudzwa nemapurisa munguva yeCoronavirus, ukuwo vatori venhau vakawanda vakasungwa pamwe nekushungurudzwa gore rino apo vainge vari pabasa.

Mumashoko avo ekucherechedza zuva reWorld Press Freedom, gurukota rezvekufambiswa kwemashoko munyika, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti hurumende yakapa chisungo chekuti vatori venhau vaite basa ravo zvakanaka munguva yelockdown.

Amai Mutsvangwa vakati vakazivisa mapazi emapurisa nemauto kuti varemekedze vatori venhau kuitira kuti vaite basa ravo zvakanaka.

Asi vatori venahu vanoti kunyange hurumende yakaburitsa mashoko akanaka aya, mapurisa nemasoja ari kuenderera mberi achishungurudza vatori venhau.

Zimbabwe iri kubatana nepasi rose mangwana mukucherechedza zuva reWorld Press Freedom kekutanga vanhu vachimanikidzwa kugara mudzimba dzavo senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, icho chauraya vanhu vana muZimbabwe, uye kubata vanhu makumi matatu nevana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG