Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vocherechedza Zuva reWorld Press Freedom Vachinyunyuta


Zimbabwe World Press Freedom Day 2013
Zimbabwe World Press Freedom Day 2013

Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva reWorld Presss Freedom Day, vatori venhau munyika vachitaura pamusoro pematambudziko avakatarisana nawo munyika.

Vatori venhau munyika vanoti havakwanise kuita basa ravo pachena pasina kutya sezvo vachigara vachimbunyikidzwa nehurumende, neve zvematongerwo enyika, varidzi vemakambani avanoshandira kana kuti vemabhizimisisi.

Vanotiwo munyika muchine mitemo yakawanda inoita kuti vatapi venhau vashandi vachitya kusungwa.

Munyori musangano revatapine vanhau vechidiki yeYoung Journalists Association, Leopold Munhende, audza Studio 7 kuti pane mutemo wakadzikwa nehurumende panguva ino nyika yakavharwa uyo unoita kuti vashande vachitya.

Munhende anotiwo mapato makuru ezvematongerwo enyika, eZanu PF neMDC anovhundutsirawo vatori venhau dzimwe nguva.

Mukuru wesangano reMedia Insitute of Southern Africa – Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio 7 kuti zuva reWorld Press Freedom Day rinosvika panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munya dzekutapa nhau muZimbabwe.

Vanoti dingindira reWorld Presss Freedom Day rinoenderana chose nezviri kuitika muZimbabwe uye vanovimba kuti hurumende ichatevedza zvisungo zvayakabvuma kuUnited Nations zvakaita sekurega vatapi venhau vachishanda vasingambunyikidzwe.

VaMoyo vati kushungurudzwa kwevatori venhau kwakakwira zvakanyanya zvichitevera kuvharwa kwakaitwa nyika musi 30 Kurume senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus.

Vanoti vatapi venhau vanodarika gumi nevashanu vakasungwa, kurohwa kana kumbunyikidzwa vachiita basa ravo.

Vaenderera mberi vachiti Coronavirus iri kuvhuringawo mabasa ekutapwa kwenhau zvekuti vatori venhau vacharasikirwa nemabasa uye zvakakosha kuti hurumende igadzire hurongwa kana huumba homwe yekutsigira makambani enhau kuti asavhare.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vaudza Studio7 kuti vanotsigira zvataurwa naVaMoyo vachiti ipfungwa dzakanaka chose.

Nyanzvi munyaya dzekutapwa kwenhau, uye vari chipangamazano mumasangano akawanda ekutapa nhau, VaChris Chinaka, vanoti vatori venhau vanogona kuzvisunungura kubva mukuvhundutsirwa nekuita basa ravo nemazvo vachipa mativi ese mukana panhau dzavanoburitsa.

Vanotiwo zvakakosha kuti vemakambani, mabhizimisi pamwe nevanoita zvematongerwo enyika kuti vazive kuti vatori venhau vanoita basa ravo vachimirira veruzhinji.

Gweta zvakare vari nyanzvi munyaya dzemutemo, VaChris Mhike, vanoti kubatana pamwe nekushanda pamwe kunobatsira kuti vatori venhau vasavhundutsirwe kana kumbunyikidzwa.

Vatiwo vatori venhau vanofanira kushandisa matare idzimhosva kurwisa mitemo inokanganisa basa ravo sezvakaitika svondo rapfuura apo sangano reMISA Zimbabwe rakaenda kudare repamusoro rikapihwa mutongo wekuti mapurisa asavhiringidze vatori venhau pavanenge vachiita basa ravo.

Izvi zvakaitika mushure mekunge vatori venhau vakawanda vavhiringidzwa nemapusira vari pabasa.

Zuva reWorld Press Freedom Day rinocherechedzwa pasi rose musi was 3 Chivabvu senzira yekuyeuchidza dzihurumende kukosha kwakaita basa rekutapa nhau, kurangarira vatori venhau vakashaya vari pabasa pamwe nekukuridzira dzihurumende kuti dzibvise mitemo inombunyikidza vatapi venhau nekuvarega vachiita basa ravo vakasununguka.

Zuva iri rakatanga kucherechedzwa muna 1993.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG