Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti VaKusukuwere Vakatyora Mitemo


Va Savior Kasukuwere
Va Savior Kasukuwere

Justice Francis Bere vati mushure mekuzeya nyaya iyi vanobvumirana nemagweta ange achimiririra makanzura aya kuti gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vakaita zvisiri pamutemo pavakamisa makanzura aya basa, pamwe nekuumba komisheni yekufambisa mabasa ekanzuru.

Mumwe mutongi wedare repamusoro muBulawayo ati kumiswa basa kwakaitwa makanzura eguta reGweru nehurumende pamwe nekugadzwa kwekomisheni kuti ifambise mabasa eguta iri, kwaive kusiri pamutemo.

Justice Francis Bere vati mushure mekuzeya nyaya iyi vanobvumirana nemagweta ange achimiririra makanzura aya kuti gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vakaita zvisiri pamutemo pavakamisa makanzura aya basa, pamwe nekuumba komisheni yekufambisa mabasa ekanzuru.

VaBere vati zviri pachena kuti mutemo wakashandiswa naVaKasukuwere weSection 114 weUrban Councils Act unopikisana nemutemo weSection 278 uri mubumbiro remitemo yenyika unotaura kuti mameya kana makanzura anobvisa sei pachigaro.

VaKasukuwere vakambomisa basa makanzura eMDC-T ose gumi nemasere eguta reGweru muna Nyamavhuvhu gore rakapera vachivapomera mhosva yekutadza kuita basa nemazvo pamwe nehuwori.

Mamwe makanzura matatu akadzingwa pahukanzura zvachose pakaitwa sarudzo dzeby election yekusarudza mamwe makanzura.

VaKasukuwere vaive vasarudza komiti yevanhu vatatu kuti iongorore mhosva dzaipomerwa makanzura aya.

Asi makanzura gumi nemumwe kusanganisira meya, VaHamutendi Kombayi, vakabva vakwira kudare iro rakapa mutongo wekuti kuongororwa kwemhosva dzavaipomerwa kumiswe sezvo VaKasukuwere vaive vasarudza komiti yavo zvisingaenderani nemitemo yenyika.

Rimwe remagweta ange achimirira makanzura aya, Gweta VaReginald Chidawanyika, vati vafara zvikuru nemutongo wapiwa nedare vachiti izvi zvinoreva kuti makanzura aya vave kukwanisa kudzokera kunoita basa raakasarudzirwa kuitwa nevagari vemu Gweru.

VaEsau Mandipa, avo vange vachishanda naVaChidawanyika panyaya iyi, vatsinhirawo izvi vachiti vanotarisira kuti makanzura aive amiswa basa aya achatanga basa nekukasika.

VaMandipa vatiwo hawawone VaKasukuwere vachidzoka kumatare kuzopikisa nyaya iyi.

Pari zvino kanzuru yeguta reGweru iri kutungamirwa nekomisheni yakasarudzwa naVaKasukuwere kuti imbofanotungamira mabasa ekanzuru.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaKasukuwere panyaya iyi.

Bazi rezvekutongwa kwematunhu rave nenguva richidzinga kana kumisa makanzura basa munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika.

Zviri kuitwa naVaKasukuwere ndizvo chaizvo zvaiitwawo naVaIgnatius Chombo apo vaive gurukota rezvekutongwa kwematunhu. VaKasukuwere naVaChombo inengo dze Zanu PF.

XS
SM
MD
LG