Masangano anorwira kodzero dzemadzimai anoti Zimbabwe Women In Politics Alliance ne Zimbabwe Activist Alliance nemamwewo arikuronga kuratidzira nemusi weChitatu muHarare pamuzinda we Kuwait vachiti madzimai nevanasikana vari kushanda senhapwa munyika iyi vadzorwe kumusha nechimbi chimbi.
Vanhu ava vakaendeswa kunyika iyi nemakoronyera vachinzi vaizowanirwa mabasa akanaka asi vachizoguma voshanda sevaranda.
Vamwe vemadzimai ava vakadzorwa kumusha asi vamwe vakawanda vachiriko. Vanhu vakawanda varikutsutsumwa zvikuru nekuendeswa muhunhapwa kunyika dzakaita seKuwait, Dubai neSouth Africa uko vamwe vacho vanonzi vari kumanikidzwa kuita zvechipfambi.
Mapurisa anoti kune vanhukadzi vemuZimbabwe mazana maviri vari muhunhapwa kuKuwait mushure mekunge vanyepwerwa kuti kune mabasa akanaka.
Muzvare Lynette Mudehwe vesangano re Zimbabwe Activist Alliance rimwe remasangano arikuronga kuratidzira uku vanoti vakanyorera kumapurisa kuti vapihwe mvumo yekuratidzira asi kunyangwe zvazvo vanga vambopihwa mvumo iyi vakazofonerwa vachinzi vambomira asi ivo vari kuenderana mberi nekuratidzira kwavo.
"Shuwiro yedu ndeyekuti madzimai vachiri muhunhapwa kuKuwait vadzoswe nechimbi chimbi. Tichange tichipa mumiriri weKuwait muZimbabwe petition yekuratidza kusafara kwedu nezviri kuitika izvi. Tinoda kuti hurumende yeZimbawe ne Kuwait zvibatane mukudzosa madzimai aya," Muzvare Mudehwe vaudza Studio7.
Muzvare Mudehwe vanoti vachange vakabatana nevamwe madzimai akakwanisa kubviswa muhunhapwa pavachange vachiratidzira kumuzinda weKuwait.